Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yovandudza Bhajeti reReferendamu neSarudzo


VaTendai Biti
VaTendai Biti
Gurukota rinoona nezvemari, VaTendai Biti, pamwe negurukota rinoona nezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vazivisa kuti vari mubishi rekuyedza kudzikisa bhajeti yemari yereferendamu nesarudzo.

VaBiti vaudza Studio7 kuti ichokwadi kuti vari kuongorora bhajeti asi vati pari zvino havakwanise kutaura zvakawanda.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti pari kuda kubviswa mari dzinonzi dzakawanda dziri kudiwa nemapurisa uye vashandi vesangano reZimbabwe Electoral Commission.

Zimbabwe yakakumbira sangano reUnited Nations Development Program, UNDP, mari inosvika mamiriyoni mazana maviri nemakumi maviri nemashanu emadhora. UNDP inotiwo mari yakakumbirwa neZimbabwe yakawandisa.

VaBiti naVaChinamasa vari kutarisirwao kuti vataure negurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, kuti vavapewo mari iri kubva mukutengeswa kwemangoda.

Mukuru wesangano reElection Resource Centre, VaTawanda Chimhini, vanoti bhajeti rinofanira kuitwa zvisingazokanganise sarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG