Accessibility links

Breaking News

Mauto neMapurisa Opinda Musarudzo dzeVachamirira Zanu PF Musarudzo


Mumwe mukuru muchipurisa, Assistant Commissioner Everisto Pfumvuti, avo vanotungamira mapurisa kwaMutoko, vanoti vari kuda kupinda musarudzo kuMutoko South dzekutsvaga vachamirira Zanu PF musarudzo dzechaitwa munyika.

Kune vamwe vakawanda vari muchiuto vanonzi vari kuda kukwidza musarudzo dzemu Zanu PF kuitira kuti vagozokwanisa kukwikwidza musarudzo dzenhengo dzeparamende. Vazhinji vevanhu ava vakatotanga kutsvaga rutsigiro asi vachiri pabasa sezvo sarudzo dzemaprimary muZanu-PF dziriko mwedzi unouya.

Asi vanhu ava havasi kuzivisa kuti vachasiya mabasa here kana kuti kwete kunyange mutemo uchiti vasiye.

Mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, vanonziwo vakakurudzira madzimai ose emapurisa kuti aende kunonyoresa kuvhota uye kuti vavhotere bato reZanu-PF.

Bepanhau reHerald rinoti VaChihuri vakataura mashoko aya kuSelous pamusangano wemadzimai wakanangana nekuvadzidzisa mabasa.

Sangano reZimbabwe Democracy Institute riri kukurudzira vatungamiri venyika kuti vaone kuti mashandiro emauto, vasori nemapurisa avandudzwa kana vasingadi kuti nyika iite sarudzo dzinodeurwa ropa sedzakaitwa muna 2008.

Mukuru weZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti mapurisa nemauto kana afunga zvematongerwo enyika, ngaasiye basa.

Asi munyori anoona nezvemabasa muZanu-PF, VaDidymus Mutasa, vanoti hapana chakaipa kuti vadyidzane nemauto nemapurisa sezvo vainge vari vose muhondo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG