Nyaya yekunetsana murumende yemubatanidzwa padanho rekutora pamapurazi akatorwa, asi ari pasi pezvibvumirano zvekudyidzana nedzimwe nyika riri kuenderera mberi.
Mabhanga akawanda evatema anonzi akatadza kuunganidza mari iri kudiwa neRBZ inosvika mamiriyoni makumi maviri nemashanu yekuti inge iri mumatura avo.
Munyori anoronga misangano muMDC-T, VaNelson Chamisa, vanoti vatopedza kusarudza zvikwata zvevanhu zvinenge zvichitungamira kusarudzwa kwevachamiririra bato.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakabuda munyika neChina vakananga kumabudazuva kunoita zororo ravo repagore.
Imwe ongororo yakaitwa nechimwe chikoro chepamusoro chekuIndia inoratidza kuti veruzhinji muZimbabwe havasi kufarira chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo chiri kutungamirwa nehurumende yakaisa paramende pamberi.
Apo Zimbabwe yotarisana nesarudzo dzakakosha dzegore rinouya, vamwe munyika vave kukurudzira nyaya yekuti mapato anopikisana neZanu-PF abatane kana achida kukunda musarudzo.
Sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce rinoti kusawirirana panyaya yegwara rakajeka rezvehupfumi muhurumende yemubatanidzwa ndizvo zvakapa kuti zvinhu zvisafambe zvakanaka munyaya yezvemabhizimisi munyika.
Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vayambira mhuri yeZimbabwe kuti isunge dzisimbe sezvo gore riri kutevera rinenge rakaoma zvakanyanya munyaya dzezvematongerwo enyika.
Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, neChishanu vakasimudza nyaya yekuti mauto asave nechekuita nenyaya yesarudzo sezvo zvichizokonzera kusagadzikana kwezvinhu munyika.
Mutevedzeri wegurukota rezvekurima, VaSeiso Moyo, vashaya neChishanu kuAvenues Clinic muHarare mushure mekurwara kwenguva pfupi pfupi.
Kubatwa chibharo kwevanasikana munyika kunonzi kuri kuramba kuchikwira zvakanyanya.
Dare remakurukota riri kutarisirwa kuwedzera huwandu hwevanhu vanoda rubatsiro kubva pamiriyoni imwe chete nemazana matanhatu kusvika pamamiriyoni maviri.
Mutungamiri we African National Congress, ANC, VaJacob Zuma, vasarudzwa zvakare neChipiri kuti vatungamire bato ravo kwemamwe makore mashanu.
Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalitiion raburitsa neChishanu gwaro remamiriro akaita zvinhu muhurumende yemubatanidzwa.
Hapana kuwirirana kuripo muhurumende yemubatanidzwa pamusoro pebasa rekunyora bumbiro idzva renyika.
Bhanga guru repasi rose, reWorld Bank, raparura neChitatu gwaro reongororo yekuona kuti hupfumi hwenyika hungavandudzwe sei.
African Union iri kutarisirwa kuzeya nyaya yeZimbabwe neKenya kumusangano wayo uri kuitirwa kuAddis Ababa, Ethopia muna Ndira.
Mutungamiri weZanu-PF, VaRobert Mugabe, vanoti hurumende inofanirwa kutora makambani ekunze kwenyika ari kushandira muZimbabwe.
Zanu-PF yaita neChina musangano wayo wekuronga zvichakurukurwa nebato iri pamusangano waro wepagore uri kuitirwa muGweru.
Mutungamiri weZanu-PF, VaRobert Mugabe, neChitatu vakakokera musangano webato ravo muHarare vachizeya musangano webato ravo wepagore.
Rodhai zvimwe