Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Gore Rinouya Rakakosha Zvikuru


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vayambira mhuri yeZimbabwe kuti isunge dzisimbe sezvo gore riri kutevera rinenge rakaoma zvakanyanya munyaya dzezvematongerwo enyika.

Mumashoko avo ekisimusi negoredzva kumhuri yeZimbabwe, VaTsvangirai vanoti nyika yakatarisana nekupedza bumbiro remutemo, referendamu yacho, sarudzo uye musangano wakakosha weUnited Nations World Tourism Conference zvinova zvinhu zvinoda hushingi.

VaTsvangirai vanoti nyaya yekunyora bumbiro idzva remitemo yenyika yagara yakaoma zvikuru nenyaya yekuti riri kunyorwa nemapato akawanda ezvematongerwo enyika ane muonero wakasiyana.

Pari zvino pane makakatanwa ari kuitwa nemapato pamusoro pezvinhu zvinofanirwa kunge zviri mubumbiro idzva.

VaTsvangirai vakurudzirawo vechidiki kuti vanonyorese kuitira kuti vakwanise kuvhota musarudzo. Mutungamiri wehurumende akurudzirawo vezvematongerwo enyika kuti vaite sarudzo dzisina mhirizhonga.

Vatiwo mapurisa uye muchuchusi mukuru wehurumende havafanire kuita basa vachirerekera rimwe divi. VaTsvangirai vatiwo vose vanenge vachiita zvemhirizhonga vanofanira kukandwa mujere.

Vatiwo vezvematongerwo enyika uye vatori venhau havafanire kukurudzira mhirizhonga nekutaura mashoko eruvengo.

Vakafanobata chigaro chemutauriri waVaTsvangirai, VaWilliam Bango, vanoti VaTsvangirai vane chivimbo chekuti zvinhu zvichafamba zvakanaka kunyange hazvo ari makata.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG