Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vokurudzirwa Kudimbura Zororo Ravo Kuti Vagadzirise Zviri Kunetsa.


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakabuda munyika neChina vakananga kumabudazuva kunoita zororo ravo repagore. Izvi vanozviita gore rega rega mumwedzi waNdira.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti VaMugabe havaifanirwa kubuda munyika vachisiya zvinhu zvakaita sebumbiro idzva remitemo nezvimwe zviri kudiwa kuti sarudzo dziitwe gore rinouya zvisati zvapera.

Mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, vakaudza vatori venhau kuti VaMugabe vainge vabuda munyika, uye mutevedzeri wavo, Amai Joice Mujuru, ndivo vachange vakabata chigaro chavo.

Bato reZanu-PF raimbenge rati kana bumbiro risina kupera nemusi wekisimusi, raizoti VaMugabe vatare zuva resarudzo vomisa paramende basa.

Vamwe vanoti uku kwaive kungotaura, asi VaCharamba vanoti hapana chinomisa VaMugabe kuita izvi kunyange vari pazororo.

Pane zvinhu zvakati wandei zviri kutadzisa bumbiro kupera zvakaita sekuendesa masimba kumatunhu, kuvandudza mitemo ine chekuita nevanodzivirira nyika, mabasa ematare, masimba emutungamiri wenyika nezvimwe zvisiri kuwiriranwa.

Komiti yemakurukota nenhengo dzeparamende yakasangana neChina, asi haina kukwanisa kuwirirana.

Sachigaro wekomiti iyi, uye vari gurukota rezvebumbiro nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vanoti vakadzorera misariridzwa kumapato kuti ambozeyazve.

Kuenda kwaVaMugabe kuzororo zvinhu zvakaita manyama amire nerongo hakusi kufadzawo masangano akazvimirira.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa kuchamhembe kweAfrica musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPhillan Zamchiya, vanoti VaMugabe vanofanira kuzodzoka kumusha nechimbichimbi kuti vagadzirise nyaya dziri kunetsa dzinotadzisa kuti sarudzo yakachena iitwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG