Accessibility links

Breaking News

Vanasikana Vakawanda Vobatwa Chibharo neVepedyo


Kubatwa chibharo kwevanasikana munyika kunonzi kuri kuramba kuchikwira zvakanyanya.

Mugwaro idzva rakaburitswa nemapurisa anoshanda nenyaya dzekuchengetedza kodzero dzevana kana Zimbabwe Republic Police Victim Friendly Unit, zvinonzi vana vanopfuura zviuru zviviri nemazana manomwe vakabatwa chibharo kubva muna Ndira kusvika muna Gumiguru gore rino.

Asi masangano akawanda anoshanda nevana anoti huwandu uhu hutori hushoma nenyaya yekuti vamwe havasi kuenda kunomhan’ara nenyaya yetsika yekusataura uye kutyisidzirwa.

Vanhu vanonzi vari kubata chibharo vana zvakanyanya vavakidzani uye hama dzechirume. Vakomana vane makore gumi nemasere vanonziwo vari kurura vachibata vana chibharo.

Mukuru weMusasa Project, Amai Netty Musanhu, vanoti huwandu hwevana vari kubatwa chibharo hunogona kunge hwakatokwira pane vari kutaurwa.

Mutevedzeri wegurukota rezvevanhukadzi, Muzvare Jessie Majome, vanotiwo nyika inofanira kushanda zvakasimba kuitira kupedza dambudziko rekubatwa chibharo kwevanasikana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG