Vashandi vemuZimbabwe vacherechedza zuva revashandi re Workers Day vachinyunyuta nemari dzavanotambiriswa pamwe nekusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyika.
Vashandi ava vaungana neChishanu munhandare ye Gwanzura mu Harare nekune dzimwe nzvimbo mativi mana ese enyika vachicherechedza zuva iri.
Vachitaura kuGwanzura mu Harare, mutungamiri wesangano rinomirira vashandi re Zimbabwe Congress of Trade Unions, kana kuti ZCTU, Va George Nkiwane, vati sangano ravo harisi kufara nemari dziri kutambiriswa vashandi vazhinji munyika vachiti mihoro inopihwa vashandi yakafanana nemutero wembwa.
Va Nkiwane vatiwo havasi kufara kuti vashandirwi vave kubvumidzwa kungodzinga vashandi zvisina mwero pasi pechirongwa chiri kudaidzwa kuti Labour Market Flexibility vachiti uku kudzosera nyika kunguva ye Economic Structural Adjustment Program.
Va Nkiwane vashora danho rakatorwa nehurumende rekudzikisa huwandu hwevashandi vachiti hurumende inofanira kutanga yabvisa mazita evanhu vanotambiriswa mari nehurumende ivo vasingashandire hurumende, kana kuti ma ghost workers, isati yafunga zvekudzinga vashandi basa.
Vachitaurawo pamhemberero idzi, vaimbova munyori mukuru mu ZCTU uye vari mutungamiri weMDC-T, Va Morgan Tsvangirai, vashora hurumende yaVa Robert Mugabe neZanu PF nekutadza kupa vanhu mabasa ayakavimbisa payaitsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzegore rapera.
Vachitaurawo pamhemberero idzi, mutungamiri webato reMavambo Kusile Dawn, Va Simba Makoni, vakurudzirawo kuti mapato anopikisa hurumende yaVa Mugabe abatane ashande pamwe chete mukurwisana nematambudziko akatarisana nevashandi pamwe neruzhinji rweZimbabwe.
Zvichakadai, VaTsvangirai vashora mhirizhonga iri kuitika ku South Africa uko kuri kudzingwa zvizvarwa zvedzimwe nyika nezvizvarwa zvenyika iyi izvo zviri kugunun’una kuti zviri kupedzerwa mabasa nevekunze
Va Tsvangirai vati dambudziko nderekuti hupfumi hwenyika mu Zimbabwe hauna kumira zvakanaka izvo zviri kukonzera kuti vanhu vazhinji vatize munyika vachinotsvaga mafuro manyoro kune dzimwe dzakaita se South Africa ne Botswana.
Vanhu vazhinji vanga vari pamhemberero idzi vanga vakapfeka zvipfeko zvanga zvkanyorwa mashoko anotsoropodza nyaya yemhirizhonga iri kuitika ku South Africa iri kudaidzwa kuti xenophobia.
Rimwe sangano revashandi re Zimbabwe Federation of Trade Unions kana kuti ZFTU raitawo mhembero dzekucherechedza zuva revashandi iri kunhandare ye Rufaro.