Kunetsana muZanu PF kwasvika pachinhanho chepamusoro soro vakuru mubato vachishorwa pamwe nekufumurwa pachena nevadiki vavo mubato.
Nyanzvi munyaya dzematongerwoi enyika dzinoti zvi hazvisati zvamboitika kubva bato iri rakunda musarudzo dzakawanisa nyika kuzvitonga muna 1980.
Mutevedzeri wegurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaChris Mutsvangwa, vakavashora zvikuru mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, vachiti vanonyeba nezvenhoroondo dzavo munguva yehondo yechimurenga.
VaMutsvangwa vakashorawo vvanoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu-PF, uye vari gurukota muhofisi yemutungamiri wenyika, VaDidymus Mutasa, vachivati munhu asina zvakanyanya zvaakaita muhondo, uye munhu ari kupesanisa vanhu mubato. Izvi zvakaburitswa nebepanhau reHerald neMugovera.
Asi VaMutasa vanoti vachagara pasi naVaMutsvanga votaura zvavakaburitsa muHerald.
VaMutasa vatiwo havangadi kutaura zvakawanda kunze kwekuti VaMutsvangwa inhengo yepasi pasi mubato.
Nyaya yekutukana iyi iri kuuya apo muZanu-PF maita kusawirirana kunotyisa kunonzi nevamwe kuri kukonzerwa nenyaya yekurwira chigaro chemutungamiri webato, VaRobert Mugabe, avo vave nemakore makumi mapfumbamwe.
Nyayawo yekuti pane kongiresi muna Zvita apo nhengo dzebato dzinenge dzokwikwidzana musarudzo dzezvigaro inonziwo yapawo kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo mubato.
Kunetsana kwakanyanya kunonzi kuri pakati pevanhu vanonzi vari kutsigira Amai Mujuru nevanonzi vari kutsigira gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa.
Vaviri ava vanoramba kuti vane zvikwata zvavanotsigira. VaMutsvangwa vakati mashoko ekuti Amai Mujuru vakadonhedza chikopokopo munguva yehondo inhema dzakashandiswa naVaWebster Shamu apo vapembedza Amai Mujuru.
Vakatiwo VaMutasa ndivo vanokonzera kusabatana kwevanhu muZanu-PF uye vanoda kuti vanhu vapandukire VaMugabe.
Hatina kukwanisa kubata Amai Mujuru kuti tinzwe divi ravo. VaMutsvangwa vaudza Studio 7 kuti vange vari mumusangano nokudaro havakwanise kutaura.
Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti nyaya yekukandirana makobvu nematete ichazeyiwa nevakuru vedare.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vakafanobata chigaro chemukuru wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, Va Joy Mabenge, vanoti zviri kuratidza kuti bato reZanu-PF rapindwa napongwe uye zvichanetsa kugadzirisa.