Accessibility links

Breaking News

Amai Mugabe Vokonzeresa Mutauro Pakati peEU neAU


Musangano pakati pe European Union nenyika dzemu Africa uri kufanirwa kuitwa kuBrussels svondo rinouya unogona kusaitwa nenyaya yekunetsana kwakanyanya pakati pevakuru vemasangano aya.

Bazi reAfrican Union Peace and Security Council range richisangana muAddis Ababa, Ethiopia, rakabuda nechisungo chekuti vatungamiri venyika dzemu Africa vasaende kumusangano unofanira kutanga musi wa 2 kusvika 3 Kubvumbi kana nhunha dzavo dzisina kugadziriswa.

AU inoti haisi kufara nekusakokwa kweSudan, Eritria uye mudzimai wemutungamiri weZimbabwe, Amai Grace Mugabe, avo vakanyimwa vhiza. AU inoti haisi kufara nekukokwa kwe Egypt iyo yakamisa kuva nhengo nenyaya yemauto akapidigura hurumende yenyika iyi nechisimba.

Munyori mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaJoey Bimha, vanoti Africa haisi kufara nedanho reEU.

Asi mumiriri weEU muZimbabwe, VaAldo Dell Arriccia, vaudza Studio 7 kuti musangano uyu ndewe vatungamiri venyika kwete madzimai avo.

Vatiwo VaMugabe vakaita mhanza nekuti vakakokwa kunyange havo vakatemerwa zvirango neEU. Vati zvinonetsa kupa Amai Mugabe vhiza sezvo vachiri pazvirango uye vasina kukokwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongwerwo enyika, uye vakafanobata chigaro chemukuru wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaJoy Mabenge, vanoti musangano haungamire nekuti Amai Mugabe havana vhiza nekuti havasi mutungamiri wenyika.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG