Accessibility links

Breaking News

CCZ Yozeya Bhiri reKodzero dzeVatengi


Sangano rinoona nezvemitemo nekodzero dzevatengi munyika, reConsumer Council of Zimbabwe, CCZ, rinoti riri kusangana nematambudziko akawanda ayo ari kuritadzisa kuita basa raro nemazvo.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi zvabuda pamusangano waitwa kwaMutare nhasi.

Vachitaura neStudio7 kumucheto kwemusangano wekuzeya bhiri remutemo unochengetedza kodzero dzevatengi, mukuru we Consumer Council of Zimbabwee, Amai Rosemary Siyachitema, vati sangano ravo riri kutadza kunyatsomirira kodzero dzevatengi nekuda kwekuti ndivo voga vanosungirwa kuitwa basa iri munyika, asi vachitadza kuita basa iri sezvo vaine vashandi vashoma.

Amai Siyachitema vanoti kunze kwekuwandirwa nebasa, imwe nyaya iri kukanganisa kushanda kwavo inyaya yemari shoma yavanowana kubva kuhomwe yebazi rezvemari. Vanotiwo mabasa avo anosanganisira kupa dzidziso kuvanhu maererano nenyaya dzekodzero dzevatengi.

Amai Siyachitema vanoti dzidziso yevatengi inofanirwa kuitwa muzvikoro kuitira kuti kodzero idzi dzinyatsozivikanwe, kuitira kuti dzizochengetedzwe nemazvo.

Panyaya yebhiri Consumer Protection, Amai Siyachitema vanoti bhiri iri parichazoitwa mutemo richabatsira kuchengetedza kodzero dzevashandi sezvo dzinenge dzava mubumbiro remitemo wenyika.

Vatiwo pakati pezvimwe, bhiri iri kana razove mutemo, richange richizopa masimba ekuti pange pane sangano rinonzi Consumer Protection Commission.

Vati komisheni iyi ichange ine nhengo dzinobva kumasangano anoti Environment Management Agency, Farmers’ Association, Ministry of Finance, Competition and Tariff Commission, Standards Association of Zimbabwe, Zimbabwe National Editors’ Forum uye negweta.

Mumwe mugari wemuChikanga kwaMutare, VaDavid Mutambirwa, vanoti bhiri razeyiwa rinenge rakanaka kana razove mutemo ndokunge rikatevedzwa nemazvo.

VaMutambirwa vanoti CCZ inofanirwa kupindira munyaya dzakaita sedzemakambani anotengesa zvinhu zvisina kusimba, uye zvisiri zvemhando yepamusoro, kunyanya zviri kubva kuChina.

Mumwe weavo vange vari pamusangano uyu, Amai Benita Goneso, vanoti CCZ inofanirwa kupindira panyaya dzemitengo inosiyana siyana muzvitoro pachinhu chimwe chete. Amai Goneso vanoti vanofamba vanoda kuti CCZ ipindire zvakare mukushungurudzwa kwavanoitwa nemapurisa mumigwagwa.

Sangano reCCZ riri kupinda mumatunhu ose emunyika richiita dzidziso yebhiri iri pamwe nekunzwa pfungwa dzevanhu pazvinhu zvavanoda kuti zvinge zviri mubhiri iri risati razeyiwa muparamende.

Amai Siyachitema vanoti CCZ yasarirwaa nekushanyira kwaMutoko neHarare.

XS
SM
MD
LG