Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Honzeri yeNhamo ndiVaMugabe


VaMorgan Tsvangirai naVaRobert Mugabe.
VaMorgan Tsvangirai naVaRobert Mugabe.

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti kutadza kutonga kwavanoti kuri kuitwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nebato ravo reZanu-PF, ndiko kwapa kuti hurumende itatarike mukubhadhara kwayo vashandi vayo uye kuti hupfumi huende kumawere.

VaTsvangirai vanoti makambani akawanda ari kutadzawo kubhadhara vashandi nezvikonzero zvakasiyana siyana, asi chikuru chacho chiri nyaya yehupfumi husina kumira zvakanaka munyika.

Sachigaro weApex Council, VaRichard Gundani, vanoti vari kuyedza kuita musangano negurukota rezvevashandi kuti vanzwe nezvemihoro uye mabhonasi avo.

Vanotiwo vakanyora matsamba ekukumbira musangano uyu asi hapana chati chabuda.

Mauto nemapurisa chete ndiwo akapiha mari dzemihoro pasina mabhonasi.

VaTsvangirai vanoti VaMugabe nebato ravo vari kupedzera nguva munyaya dzekurwisana kuri mubato ravo vasingagadzirise zviri kunetsa zvakatarisana nehurumende.

Studio7 yakundikana kubata mutauri we Zanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, kuti tinzwe divi rebato ravo.

Hurukuro naVaMorgan Tsvangirai
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG