Vagari vekwaChigodora kumaruva ari kuchamhembe kweguta reMutare vanoti vakatarisana nedambudziko rekushaya huni pamwe nemafuro ezvipfuyo zvavo sezvo nzvimbo yavo rangova gwenga risina kana nemiti nemafuro.
Madzimai emunharaunda yekwaChigodora vanoti nzvimbo yavo haichafadzi kugara sezvo nguva nenguva vachifamba nzendo refu kunotsvaga huni dzekubikisa mudzimba mavo.
Chigodora iri mudunhu reMutare South constituency. Miti yemunzvimbo iyi yakapera kutemwa vagari vachiishandisa mune zvakasiya siyana.
Misha mishoma chete ndiyo ine tusango tunozivikanwa nerekuti woodlots ayo achangotanga zvichitevera kupindira kwemapazi ehurumende anoona nezvekuchengetedzwa kwezvakatikombererdza.
Mumwe mugari wekwaChigodora, Amai Juliet Zindoga, vanoti ivo nevamwe vavo vanofamba mitunhu mirefu vachinotsvaga huni. Amai Zindoga vanoti vanotoita zvekufumira mambakwedza vachinopinda mumapurazi vachinotsvaga huni.
Amai Zindoga vanoti vanokwanisa kuripiswa nevesangano re Environmental Management Agency, kana EMA, kana vakawanikidzwa vaine huni idzi. Muripo uyu ndewemadhora makumi maviri pakuwanikwa nesvinga rehuni.
Mukuru we EMA muManicaland, Va Kingstone Chitotombe, vanoti EMA iri kuita zvainokwanisa mukuripisa vanobatwa vachitema miti zvisina tsarukano senzira yekuderedza maitiro akadai.
Mumwe mugari wemudunhu iri, Muzvare Catherine Musiyiwa, vanotiwo kufamba rwendo rwurefu wakatakura huni zvakaoma zvikuru.
VaAndrew Saburi ndisamusha vemunharaunda yekwaChigodora. VaSaburi vanotiwo kunze kwedambudziko rehuni, nharaunda yavo yava kutarisana nedambudziko regukuravhu nekuda kwekushomeka kwemiti.
Zvipfuyo zvevanhu vemunzvimbo iyi zviri kusanganawo nedambudziko remafuro akakwana nekuti nzvimbo zhinji dzemudunhu iri dzakaparadzwa nemvura.
Senzira yekugadzirisa dambudziko rekuparara kwemiti, mukuru we Environment Africa mudunhu reManicaland, VaLawrence Nyagwande, vanoti sangano ravo riri kushanda mumatunhu maviri emuManicaland anoti Chimanimani neMutasa uko vari kukoshesa kusimwa kwemiti, uye kuchengetedza zvakatikomberedza.
VaNyagwande vanoti sangano ravo riri kubatsira vagari vematunhu maviri aya nekuvapa miti inokurumidza kukura yavanosima pedyo nedzimba dzavo seimwe yenzira yekuti vanhu vemunharaunda vasaparadze masango akavapoteredza.
Vanotiwo sangano ravo riri kuda kubatsira vagari kusima miti inopfuura mamiriyoni mashanu mumakore mana anotevera.
Gurukota redunhu reManicaland, VaChris Mushowe, vanotiwo vari kushushikana zvikuru nekurasikirwa kuri kuita nyika nemasango. VaMushowe vanoti Zimbabwe yose iri kurasikirwa nemasango emiti akakura zvikuru, izvo zvopa masangano anoona nezvekuchengetedzwa kwezvakatikombererdza kuti atore matanho.
Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa chekumutsiridza masango nguva pfupi yapfuura, Va Mushowe vakati Zimbabwe iri kurasikirwa nemasango emiti anosvika mahikita zviuru mazana matatu ane makumi matatu pagore, dunhu reManicaland richiruza chikamu chiri pakati nepakati chemasango aya.
Nzvimbo dzakatarisana nedambudziko rekutemwa uye kupiswa kwemasango nekwemiti dzinosanganisira matunhu eMutasa, Makoni, uye Chimanimani.
Hurongwa hwekumutsiridza masango huri kutsigirwa ne European Union pamwe nesangano reFood and Agriculture Organisation, FAO vakabatana nesangano reForestry Commission uye bazi rinoona nezvakatikomberedza.
Vakafanobata hushe hwekwaMutambara, Ishe Rueben Guseni Mutambara, vanoti mumatunhu oseanofanirwa kudzidziswa zvakakoshera masangano kuitira kuti masango achengetedzwe.
Nzvimbo yashe Mutambara imwe yenzvimbo iri kuchengetedzwa miti zvinoyevedza.
Ishe Mutambara vanoti nharaunda yavo yave kutoripisawo vose vanowanikwa vachitema miti zviri kunze kwemutemo, uye vave kuti pose panenge paita rufu, kana chimwe chiitiko sekuzvarwa kwemwana, kana muchato pasimwe muti seimwe nzira yekuwedzera miti munharaunda mavo.
EU neFAO dzakaisa mamiriyoni mashanu emadhora ayo achashandiswa kwemakore mana anotevera mukumutsiridza nekuchengetedza masango mumatunhu masere emunyika.
Matunhu masere aya anoti Chimanimani, neMutasa muManicaland, Hwedza neMutoko kuMashonaland East, Lupane neHwange kuMatabeleland North, Bulilima neMatobo kuMatabeleland South.