Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vaburitsa zvekare pachena kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mubato ravo apo vange vari pamusangano wevechidiki kuHarare International Conference Center.
Nhepfenyuro yeZBC inoti VaMugabe vaudza vanhu vari kumusangano uyu kuti vashamisika kuona vanhu vari kumusangano uyu vasina chekudya nekuti Central Committee yebato ravo inoti yakashaya mari.
Vati ivo nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, ndivo vachapa vanhu ava chikafu, vachiti vachaona zvekuita nevakuru vebato vavati vari kuita basa rekurwira zvigaro vachitadza kuronga misangano yakaita seyevechidiki.
VaMugabe vati mumusangano mapinda zvipfukuto vakadzokorora kuti vakatonzwa vamwe vachiti ngazviiswe Gamatox, mushonga wekuzviuraya.
Nezuro Amai Mugabe vakashorawo zvakanyanya mutevedzeri wegurukota rezvemitemo, VaFortune Chasi, vachiti vari kuvavhundutsira uye vachifamba vachiita makuhwa ekuti mhuri yaVaMugabe yave kuda kutora dunhu rose reMazowe.
Asi VaChasi vaudza Studio 7 kuti pari zvino havana chekutaura panyaya iyi.
Munyori musangano remadzimai, Muzvare Oppah Muchinguri, vakashorawo vamwe vakuru vebato vavasina kuda kudoma vachiti vari kuita zvehuori vachizvipa mapurazi akawanda uye migodhi.
Nyanzi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru we Media Center, VaEarnest Mudzengi, vanoti havaone Amai Mugabe vachibatanidza vanhu nekuti matauriro avari kuita anoratidza kuti ane divi ravakarerekera.