Accessibility links

Breaking News

Britain Yotsigira Zvirongwa zveMagadheni kuShurugwi

Mumiriri weBritain muZimbabwe, Amai Deborah Bronnert, vanoti nyika ichiri kubudirira seZimbabwe inofanirwa kukoshesa kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi kuitira kuti veruzhinji vasasaririre munyaya dzebudiriro.

Vachitaura pakukumikidza chirongwa cheGwemombe Wetlands Conservation and Market Gardening Project kumaruwa ekuChikato kuShurugwi neChitatu, Amai Bronnert vakati hurumende yeBritain inofara zvikuru nenyaya yekuti bumbiro idzva remitemo yenyika rinokoshesa kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi.

Amai Bronnert vakati zvakakosha kuti hurumende ichiita kuti pave nemitemo inoenderana nebumbiro idzva iri vakatiwo kubatsira vanhukadzi kuti vakwanise kuzviriritira ivo pachavo pamwe nemhuri dzavo kunobatsira kuti nyika ibudirire.

Muzinda weBritain wakapa zviuru gumi nezvishanu zvemadhora kuchirongwa cheGwemombe Wetlands and Market Gardening Project.

Pasi pechirongwa ichi, icho chiri muWard 7, madzimai makumi matatu nemumwe, uye varume vana, vakadzidziswa kuchengetedza matoro mukurima mumagadheni pamwe nekupiwa fenzi nemapango ekukomberedza gadheni yavo uye kupiwa mbewu nezvinoshandiswa mugadheni umu.

Gadheni remushandirapamwe uyu iri panzvimbo inosvika hekita rimwe chete nechidimbu uye mune muriwo nebhinzi.

Sachigaro wemushandirapamwe uyu, Amai Loveness Muhwandavaka, vanoti vari kufara zvikuru nerubatsiro rwavakawana vachiti vasati vawana rubatsiro urwu, vairima mumagadheni madiki vachisangana nedambudziko rekudyirwa zvirimwa zvavo nekuda kwekuti magadheni aya aive asina kuvakirwa.

Kunze kwekuita zvegadheni, nhengo dzemushandirapamwe weGwemombe dzakadzidziswawo nezvekudyara miti yemichero uye kuchengeta nyuchi.

Imwe nhengo yemushandirapamwe uyu, VaChamunorwa Chinyongo, vanotiwo chirongwa chavo chakuchengeta nyuchi chiri kuvabatsira zvikuru.

Vemushandirapamwe uyu vakavaka kadhamu kadiki murwizi Gwemombe rwuri pedyo negadheni ravo.

Imwezve nhengo yemushandirapamwe weGwemombe, Amai Grace Tshuma, vanoti kuvakwa kwekadhamhu kadiki aka kunoita kuti vakwanise kurima mugadheni mavo kunyange muchirimo.

Mumiriri weShurugwi South, VaTapiwa Matangaidze, avo vaivepo pachiitiko ichi, vakatenda muzinda weBritain pamwe neve sangano rinoshanda rakazvimirira rega reShurugwi Partners nekuunza chirongwa chemushandira pamwe uyu vachiti zvirongwa zvakadai zvinoita kuti veruzhinji vakwanise kuzviriritira.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG