Accessibility links

Breaking News

VaKapuya Vanoti VaMugabe Vava Mukweguri Anofanirwa Kusiya Basa


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika inoti zvinoshamisa zvikuru kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, havasi kuda kusiya chigaro chavo kunyange hazvo vava mukweguri.

VaMugabe, avo vachange vava kuita pamadiro zvichiteverwa kupihwa nekongiresi yapera neMugovera masimba ekudoma vatungamiri vebato ravo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vakambotungamira vadzidzi paUniversity of Zimbabwe, VaTapera Kapuya, vanoti kunyange hazvo VaMugabe ari munhu akwegura, vanofanirwa kuenda pamudyandigere vozorora vari kumba.

VaKapuya vanoti kurambira pachigaro kuri kuita VaMugabe kunogonawo kukonzera matambidziko mubato iri mune remangwana.

Vachitaura pamusoro pemashoko ataurwa naVaMugabe vachivhara kongiresi yebato ravo, VaKapuya vati hukweguri hwaVaMugabe hwava kunyatsobuda pachena zvakanyanya sezvo vari munhu ari kuita hanganwa.

Vapawo semuenzaniso wekukanganisa kutaura kwaitwa naVaMugabe pavati pasi neZanu PF ivo vachita kuti pasi ne MDC.

VaMugabe vava nemakore makumi mapfumbamwe uye pavachakwikwidza muna 2018, vachange vave nemakore makumi mapfumbamwe nemana ekuberekwa.

VaMugabe vava nemakore makumi matatu nemana vachitonga Zimbabwe.

Hurukuro naVaTapera Kapuya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG