Accessibility links

Breaking News

Vanorarama neKutengesa Voomerwa Munyika


Zimbabwe Vendors Demonstration
Zimbabwe Vendors Demonstration

Apo mamiriro ezvehupfumi munyika ari kuramba achienda kumawere, vanhu vakawanda munyika vave kuwana raramo nekutenga nekutengesa zvinhu zvakasiyana siyana.

Ukuwo mabhizimisi anotiwo ave kutyira ramangwana rawo kana zvinhu zvikasachinja nekukasika sezvo vanhu vasisina simba rekutenga zvinogadzirwa nemabhizinesi aya.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaThomas Ngara murume ane makore makumi nemaviri ekuberekwa.

VaNgara, avo vanorarama nekutengesa airtime, fodya, nezviwitsi mumigwagwa yeguta reBulawayo, vanoti vave nemakore anopfuura mashanu vachirarama nekutengesa uku mushure mekunge vapererwa nebasa pane imwe kambani yaigadzira mbatya yavaishandira.

VaNgara vanoti mari yavanowana mukutengesa kwavanoita iri kuramba ichivaitira shoma pakuti vakwanise kuriritira mudzimai wavo nevana vaviri. Asi vanoti vari kuwana vachimanikidzwa kuramba vachitengesa nekuti hapana zvimwe zvekuita.

VaDouglas Dube vanotengesawo pamwe chete naVaNgara uye vanotsinhirawo kuti nekuda kwemamiriro akaita zvehupfumi munyika, hupenyu huri kuramba huchivaomera zvekuti vanotyira kuti kana zvinhu zvikasachinja vachapedzisira vave kutadza kuendesa mwana wavo kuchikoro kana kuwana mari yekuti vakwanise kurarama zuva nezuva.

Mukuru-mukuru wesangano reZimbabwe Chamber of Informal Economy Associations, Muzvare Musawenkosi Nyoni, vanoti vave nemakore anosvika gumi nematatu vachiita basa rekutenga nekutengesa mbatya pane imwe flea market iri muguta eBulawayo.

Muzvare Nyoni vanoti vakakwanisa kuita zvinhu zvakwawanda zvinobatika mumakore apfuura.

Asi pari zvino zvinhu zvave kuvaomera sezvo pave nevanhu vakawanda vanoita basa rekutengesa.

Muzvare Nyoni vanoti sangano ravo rine nhengo dzinosvika zviuru gumi asi nekuda kwekuomerwa nehupenyu nhengo dzesangano iri dzakawanda dziri kutadza kubhadhara madhora matanhatu anobhadharwa pagore kuve nhengo yesangano iri.

Muzvare Nyoni vanoti kunyange hazvo zvinhu zvakamboomera veruzhinji munyika mumakore a2007 na2008 muzvitoro musina chekutenga, izvi zvaive nani nekuti vanhu vaikwanisa kuwana mari yekunotenga zvinhu kunze kwenyika.

Vanoti kuwoma kwezvinhu pari zvino kwakasiyana nekuti veruzhinji vari kunetseka nekuwana mari sezvo vanhu vakawanda vasiri pamabasa vachitiwo vanotyira kuti kana zvinhu zvikaramba zvichinetsa munyika munopedzisira maita mhirizhonga.

Vemabhizmisi kana makambani kunyanya madiki vari kuchema-chemawo nenyaya yekuti mari haizi kubatika.

Studio7 yakaedza kunzwa mamiriro akaita zvinhu mumabhzimisi asi sachigaro weZimbabwe National Chamber of Commerce, ZNCC, mudunhu reBulawayo, VaTshidzanani Malaba, vakati vaive vakabatikana uye vakatadza kupindura mubvunzo yavaive vati tivatumire vachiti vaive vakabatikana.

Takakundikanawo kutaura nemutevedzeri wemukuru mukuru weZNCC mudunhu reMatabeleland, naVaCrispen Mugova, avo vakatiwo vaive vakabatikana.

Asi munguva pfupi yapfuura sangano reZNCC rakakurudzira hurumende kuti itore matanho ekugadzirisa mamiriro ezvehupfumi munyika nekukasika richiti kusaita izvi kunogona kuunza matambudziko akapfurikidza munyika.

Mukuru weimwe kambani inoita zvemagetsi, VaRegis Munyoro, vanoti zvinhu hazvina kuvamirira zvakanaka.

VaMunyoro vanoti kambani yavo yave kunetseka pakuwana vekuitira basa vachitiwo pavanowana basa vavanenge vaitira mabasa vanonetseka pakubhadhara vamwe vachitotadza zvachose zvekuti ivo vanozonetsekawo pakubhadhara vashandi vavo pamwe nekutenga zvinhu zvinodiwa kuti vakwanise kuita basa ravo.

Nekuda kwekuti makambani akawanda akavhara kana kuti ari kutatarika, hurumende yange yave kutarisira kuti vanhu vanogona kuwana raramo nekuzvishandira pachavo vega vachiita zvinhu zvakasiyana-siyana kusanganisira kutenga nekutengesa pamwe nekuve nemakambani madiki anoita zvakadai sekugadzira midziyo yemumba yakaita semibhedha nemasofa nezvimwe zvakadaro.

Asi nekuti kuzvishandira ndiyo yave raramo yavakawanda uye nekuti mari haizi kubatika, kuzvishandira uku hakuchawanise vanhu raramo yakanaka.

Chipangamazano wesangano rePublic Research Institute of Zimbabwe iro rine muzinda waro muBulawayo, VaButler Tambo, vanobvuma kuti kana mamiriro ezvehupfumi munyika akasachinja hupfumi hwenyika hunogona kuramba huchiwondomoka zvekuti makambani achiri kushanda anogona kuvhara uye izvi zvinogona kukonzera matambudziko kumabhangi ari munyika ayo vanoti anogona kuzowondomokawo.

VaTambo vanoti hurumende inofanirwa kugadzirisa nekukasika mitemo inokwezva vemabhizimisi vekunze kwenyika kuti vave nechido chekusima mari muZimbabwe vachitiwo Zimbabwe inofanirwa kugadzirisa hukama hwayo nenyika dzeku madokero pamwe chete nemabhangi eWorld Bank neInternational Monetary Fund.

Vamwe vaongorori vezvehupfumi pamwe nezvematongerwo enyika vanoti kana hurumende ikasagadzisira zvinhu nekukasika, veruzhinji, avo vave kusvika pakupererwa nechekuita nekuda kwekutambura, vanogona kuzopedzisira vave kuita zvemhirizhonga senzira yekuratidza kutsutsumwa kwavo.

XS
SM
MD
LG