Mutauriri wesangano rinomirira mangweta, reLaw Society of Zimbabwe, VaRichard Chidza, vanoshoropodza kurohwa nekukuvadzwa zvakaipisisa kwegweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaObey Shava, nevanhu vasati vazivikanwa. Masangano anorwira kodzero dzevanhu akawanda ari kushoropodza zvikuru chiitiko ichi.
Mutauriri weZanu PF, VaChristopher Mutsvangwa, vanoti wese anoita zvemhirizhonga yezvematongerwo enyika achihwanda nebato reZanu PF anofanirwa kusungwa. (Vhidhiyo naRutendo Mawere)
VaShadreck Mashayamombe, avo vakakwikwidza musarudzo dzeparamende muna 2018 vari pasi pebato reMDC Alliance, vanoti vadzoka kuzoshanda pamwe nevamwe kuZanu PF. (Vhidhiyo naRutendo Mawere)
Vachitaura panga pachigadzirirwa kuti Muzvare Bonda vatange kuvhiyiwa mwoyo, gurukota rezvehutano uye vari mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vati kunyangwe izvi zvakapedzisira kuitwa munyika muna 2018, vakwanisa kuunganidza zvikwanisiro zvinodiwa kuti zviitike zvakare.
Vatsigiri vebato rinopikisa reDemocratic Union of Zimbabwe rinotungamirirwa naVaRobert Chapman, vaungana muHarare pakuparurwa kwebato ravo.
Rodhai zvimwe