Accessibility links

Breaking News

Bato reDemocratic Union of Zimbabwe Rinoparurwa Zviri paMutemo Mutungamiri Waro VaChapman Vachiti  Nyika Yaparara


Mutungamiri weDemocratic Union of Zimbabwe VaRobert Chapman
Mutungamiri weDemocratic Union of Zimbabwe VaRobert Chapman
Bato rinopikisa reDemocratic Union of Zimbabwe, DUZ, rapaurwa zviri pamutemo muHarare mutungamiri waro VaRobert Chapman vachiti matambudziko ari munyika akawandisa uye kugadzirisa nyika kunoda vanhu vanorevesa.

Vachitaura pavaparura bato ravo, VaChapman vati nyika yaenda kumawere zvekuti mari yemunyika yave mashizha chaiwo.

"Kana uchipinda muzvitoro pane munhu anenge akatogara panechingwa achichinja mutengo nguva nenguva nekuti mari haicjashande ave mashizha."

Vati vanhu vese vanoda kuvaka nyika vanofanirwa kubatana nebato ravo." Isusu seDUZ hatina basa kuti unobva kupi kana une moyo nepfungwa dzekuvaka nyika huya kuDUZ."

VaChapman vati kuwondomoka kwehupfumi hwenyika pamwe nekushaya simba kwemari yemunyika kuri kukonzerwa nehurumende iripo.

Nhengo dzeDUZ dzungana muHarare.
Nhengo dzeDUZ dzungana muHarare.
Asi mumwe wevechidiki muZanu Pf uye vachange vachikwikwidza semumiririri weEpworth North mudare reNational Assembly, VaTaurai Kandishaya vati, vaMnangagwa vasimudzira nyika.

Vachitaurawo neChishanu vari kuMasvingo kwavakasangana nevachange vachivhota kekutanga, mutungamiri wenyika vari mutungamiri weZanu PF VaEmmerson Mnangagwa vakati mapato anopikisa achishanda nedzimwe hurumende dzekunze ndivo vari kukonzera kuti mitengo yezvinhu iite chamurambamhuru senzira yekuti bato ravo reZanu PF rishaye mavhoti musarudzo dzaNyamavhuvhu.

Vachitaura pakuparurwa kwebato ravo, munyori mukuru weDUZ, VaPishai Muchauraya, vati bato ravo ndiyo hurumende iri kuzopinda muna Nyamavhuvhu.
"DUZ iripo pakuita hurumende irikutevera. Panopera sarudzo 23 Nyamavhuvhu, DUZ ndoinenge iri hurumende."

Mumwe anga ari pamusangano apa angoda kuzivikanwa nekunzi Charity ati kunyangwe hazvo VaChapman vachiratidza kuti vane hwaro hwekugadzirisa hupfumi, musangano wanhasi waratidza kuti havana vanhu.

Democratic Union of Zimbabwe Party Launch
Democratic Union of Zimbabwe Party Launch
Asi sachigaro webato iri VaMadock Mashonganyika vati zvehuwandu hwevanhu hazvina basa vachiti chakakosha ndechekuti vanhu vachanovhotera ani?

Vanhu vapinde musangano wanhasi uyu vangangosvika mumazana mashanu.

VaChapman vati bato ravo rakapinda panyanga richagadzirisa nyaya yemari yenyika, migwagwa, zvipatara, kushandisa zviwanikwa nemazvo, kugadzirisa zviri kunetsa munyika zvose pamwe nekuchenesa maguta.

Zimbabwe iri kuzoita sarudzo musi wa23 Nyamavhuvhu gore rino uye VaChapman vati ndivo mumwe wevachange vachirwira chigaro chemutungamiriri wenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG