Accessibility links

Breaking News

VaNgarivhume Vokumbira Dare rePamusoro Kuti Vapihwe Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


Mutungamiri weTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume
Mutungamiri weTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume
Mutongi wedare repamusoro justice pisirayi kwenda nhasi vambosendeka parutivi kupa mutongo wavo pachikumbiro chemutungamiri webato rinopikisa reTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume chekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba.
VaNgarivhume vari mujeri parizvino mushure mekubatwa nemhosva nedare ramejastiriti yekupesvedzera mhirizhonga.

Muzvinafundo Lovemore Madhuku vati, "Mutongi ati ave kuchimbonotarisa nyaya oteerera zvatanga tichitaura, oteerera zvestatewo.."

VaMadhuku vaudza dare kuti VaNgarivhume vakazvipira kubhadhara chidimbu chemiriyoni yemadhora emunyika semari yechibatiso. Vati, "Takumbira kuti abhadhare mari yechibatiso ZW$500 000 madhora emuno kana kuti chidimbu chemiriyoni, agare imba yake yekuWaterfalls, nekuendesa passport yavagara vanayo nekunozvipira kumapurisa kamwechete pavhiki."

Dare ramejastiriti muHarare muna Kubvumbi wegore rino rakatongera VaNgarivhume kugara mujeri kwemakore mana mushure mekubatwa kwavakaita nemhosva yekukurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati munaChikunguru 2020.

VaMadhuku vati havaoni kuti VaNgarivhume vaifanirwa kubatwa nemhosva uye kunyangwe vakabatwa nemhosva mutongo uyu wakakurisa.

Mumwe mutevedzeri wemutauriri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaFelix Mafa vati kunyimwa kana kunonoka kupiwa mukana wekutongwa uchibva kumba kuri kuitwa VaNgarivhume ndeimwe mhando yemhirizhonga. VaMafa vati, "Bail ikodzero yemunhu asi muZimbabwe ndoimw mhirizhonga irikuitika kujudiciary."

Gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakaudza Studio 7 kuti hurumende haipindire mumatongerwo enyaya sezvo matare akazvimiririra.

Mune imwewo nyaya, mutungamiriri webato rinopikisa reDemocratic Union of Zimbabwe kana kuti DUZ VaRobert Chapman vaudza vatori venhau nhasi muHarare kuti musarudzo dzegore rino, vavhoti vanofanirwa kuvhotera vanhu vanomutsa nyika yavati yananga kumawere. VaChapman vati, "MuZimbabwe hapana chirikushanda . Izvozvi kunesewage irikufamba, makomba mumugwagwa, hakuna service delivery , zvikoro hakuna , madrug anyanya saka muchinovhota vhoterai DUZ kuti zvinhu zvicinje."

Vawedzerawo vachiti sarudzo idzi hadzifanirwi kuunza mhirizhonga munyika uye vakatiwo mushure mekuvhota, vavhoti vanofanirwa kuchengetedza vhoti yavo.

VaMafa vatendawo kuti munyika zvinhu zvangove manyama amire nerongo vachipomera bato reZanu PF mhosva yekuondomora nyika.

Vatiwo kubatana kwemapato anopikisa pamwechete kunowedzera mikana yekuti Zimbabwe ive nehurumende itsva.

Vanoona nezvekubudiswa kwemashoko muMDC T VaChengetai Guta vatiwo, "Parizvino munoona kuti vari munezvematongerwo enyika veZanu PF havarapiwe munyika nekuti vanoziva kuti zvipatara hazvishande, vana vavio vanoenda kuzvikoro zvekunze vedu ndivo vanodzidza muno saka zvose izvozvi zvinofanirwa kugadziriswa."

Asi imwe nhengo yeZanu-PF muboka revechidiki mudunhu reBulawayo VaAdmire Masikati vati vanhu vanofanira kuvhotera bato ravo sezvo riine nhoroondo yekushanda. VaMasikati vati, "Tiri kukurudzira vanhu kuti ngavavhotere Zanu PF nekuti President vari kuita budiriro yemaprojects akadai sekugadzira mugwagwa, kuvaka madhamu , command agriculture , kuchera zvibhorani kumaruwa ndemamwe emabasa akaitwa naVaMnangagwa..'

Zimbabwe iri kuenda kusarudzo musi wa23 Nyamavhuvhu uye mapato ezvematongerwo enyika atanga kuita gadziriro dzesarudzo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG