Accessibility links

Breaking News

Kudhura kweZvinhu Kwopa Kuti Mamwe Madzimai Atadze Kutenga Zvekushandisa Pakutevera


Sanitary wear
Sanitary wear
Nekuda kwekukwira kuri kuita mitengo yezvinhu munyika mamwe madzimai nevanasikana vanoti vave kumanikidzwa kushandisa zvinhu zvisina hutsanana pakutevera izvo zvinonzi nenyanzvi zvine njodzi huru.

MaPads aya ari kutengwa nemari yemunyika iri pakati pemadhora zviuru zviviri nemazana matanhatu 2, 600 ZWD kusvika pamadhora zviuru zvishanu kana kuti 5 000 ZWD pamagiramu zana nemakumi maviri nemashanu kana kuti 125 grams dzecotton wool.

Amai Otilia Chikandira vati zvinoshandiswa panguva yekutevera zviri kudhuura izvo zvoita kuti vakundikane kuzvitenga. Vati, "Zvinhu zvaunofanirwa kushandisa pamwedzi pamwedzi semunhu wemukadzi apa hatisi kukwanisa kuzvitenga apa kumba kunenge kuchida kudyiwa, mafuta, hupfu saka zvemapads takutodzokera zvaiitwa nanamai vedu kana ana mbuya zvekushandisa machira kana kuti takutenga aya emuroad anoubvuka ubvuka atisingazivi kuti anoexpire rinhi kana kuti akagadzirwa rinhi."

VaInnocent Dzvenge avo vane vanasikana vaviri vaudza Studio 7 kuti mitengo yezvinhu iri kukwira zvakanyanya zvekuti havachakwanisa kutengera vanasikana vavo zvekushandisa panguva yekutevera nguva dzese. VaDzvenge vati, "Kungomanikidzirawo paunenge wakwanisa kutenga wotengawo kana usingakwanisi vanoonawo zvekuita zvekushandisa."

Vanorwira kodzero nehutano hwakanaka hwevanasikana, Muzvare Ekenia Chifamba vanova mukuru wesangano rakazvimiririra reShamwari yeMwanasikana vati nekuda kwekuoma kuri kuita zvinhu, vanhu vazhinji vari kukoshesa kutsvaka zvekuti mhuri dzidye pane kuwanisa madzimai nevanasikana zvikwanisiro zvekushandisa panguva yekutevera. Muzvare Chifamba vati, " Vanhu vanosarudza kuti chakakosha chii kudya kana kuburitsa zvikuwanisiro izvi kana nguva yekutevera yasvika."
Nyanzvi munezvehutano Amai Mucha Mukamuri vati kushaya simba zvakanyanya kwedhora remunyika kuri kuita kuti veruzhinji vakoshe zvekudya nezvinoshandiswa mazuva ese. Vati, "Asi kana zvasvika kuti madzimai awane zvinovabatsira pamwedzi nemwedzi kuti pavanotevera vawane kusununguka izvozvi hazvikosheswi.
Mamwe madzimai audza Studio 7 kuti vave kutenga ma sanitary pads mumugwagwa asina mazita uye anenge asina kuputirwa (packaging) asingaratidzi kuti akagadzirwa rinhi uye kuti anofanirwa kushanda kusvika rinhi.

Amai Mukamuri vakati kunyangwe izvi zvekushandisa zvinotengeswa mumugwagwa zviine mitengo iri nani zvichienzaniswa nemuzvitoro vati zvinenjodzi huru kuhutano.

Vatiwo kushaya zvekushandisa zvine hutano panguva yekutevera uku kuchaitawo kuti magomarara anobata nhengo dzemadzimai awedzere. Amai Mukamuri vati, "Pawawanira mukana wekuona mapads aripachena saizvozvo anotengeswa pamhepo, panetsvina, asingazivikanwi kuti anochengeterwa pai, vanozongoatora kuashandisa zvowedzera njodzi yakanyanya mukubata zvirwere zvenhengo yesikarudzi ."

Mutauriri webazi rezvehutano VaDonald Mujiri vati kurudziro yave ndeyekuti madzimai nevanasikana vashandise zvinhu zvine hutano panguva yekutevera.

Vatiwo, "Bazi rehutano nekurerwa zvakanaka kwevana rinokurudzira kuti madzimai vashandise zvinhu zvine hutano. Vaenderera mberi vachiti, "Kune mamwe masanitary pads ariko anonzi ma reusable ekuti unogona kushandisa kakawanda saka vanogona kutenga iwawo."

Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakambovimbisa kubatsira vanasikana nezvekutevera uye kudzikisa mitero inobhadharwa kana zvichipinzwa munyika asi vanorwira kodzero dzevanhu vanoti kusvika parizvino hapana chati chaitwa.

Sangano reWorld Health Organisation padandemutande raro rinokurudzira hurumende pasi rese kuti dzikoshese nyaya yehutano hwekutevera.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG