Nyika dzinoumba bazi rerinoona nezvekudzivirirwa kwenyika dziri mudunhu rekuchamhembe kweAfrica, reSADC Troika, dzabuda nechisungo chekuti paitwe musangano wechimbichimbi mwedzi uno usati wapera wekuzeya matanho angatorwe kumisa hondo iri kuitika mudunhu reCabo Delgado muMozambique.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatungamira munamato nhasi vachitenda Mwari nekupa Zimbabwe mvura yakanaya zvakanaka gore rino pamwe negoho rakanaka riri kutarisirwa gore rino pamwe nerunyararo nezvimwe zvakaropafadzwa nyika naNyadenga.
Izvi zvinotevera danho rakaitwa nebazi yezvedzidzo iro rakaita hurongwa hwekuderedza vana vanenge vachidzidza panguva imwe chete senzira yekuderedza huwandu hwevana muzvikoro panguva imwe chete kuitira kuti vasatapurirane chirwere cheCovid-19.
Huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwave kukwira zvakare kunyange hazvo vanhu vave kubayiwa nhomba yekudzivirira chirwere ichi.
Sezvakaitika pakutanga, mutevedzeri wemutungamiri wenyika uye vari gurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga, vabayiwa nhomba yechipiri nhasi muHarare veruzhinji vachiona.
Mumwe mukoti anoshandira kwaZvimba mudunhu reMashonaland West, Amai Nomatter Mapepa, vanoti dambudziko guru ravari kusangana naro kumaruwa nderekuti vashandi vakawanda vezvehutano mudunhu ravo havana kuziviswa kuti nhomba iyi inoshanda sei.
Vakafanobata chigaro chemukuru mubazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West, Dr Tapiwa Dhliwayo, vati kunyange hurongwa hwanga huri hwekuti chikamu chekutanga chiitwe mumazuva gumi, izvi zvakatadza kuitika.
Vachitaura nevatori venhau nezuro mukuru webazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West, Dr Gift Masoja, vakati hurumende haikwanise kuongorora sezvo vasina zvikwanisiro zvinokwanira munhu wese ari kuda kubayiwa nhomba.
Gurukota reMashonaland West, Amai Mliswa-Chikoka, vati mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, havasi kufara negwaro reongororo yezvekushandiswa kwenzvimbo dzehurumende iro rakaburitsa pachena kuti nhengo dzebato reZanu PF nevashandi vehurumende vari kuita zvehuori munyaya dzekuwanisana pekugara.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vakambove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vati havashamiswe nevanhu vashoma vari kuenda kunobayiwa nhomba sezvo vanhu vakawanda vasina chivimbo nenhomba iyi uye nezvinhu zvinobva kuChina.
Vachitaura vasati vatorerwa nharembozha yavo, murongi wemisangano mudunhu VaBlessing Mandava, vati hapana mhosva yavapara sezvo vanga vachironga nezvenhamo yenhengo yavo.
Mishonga yenhomba inodzivirira chirwere cheCovid-19 yakabva kuChina yaendeswa kumatunhu ari munyika yose kuitira kuti vanhu vatange kubayiwa mumatunhu uyo kutanga nemusi weMuvhuro, panguva iyo vanhu vakawanda vari kuti vanoda kutanga vanzwisisa nezvemushonga uyu vasati vabayiwa nhomba.
Mutauriri weZimsec, Muzvare Nicholette Dhlamini, vati gwaro riri kutenderedzwa pamadandemutande richiratidza kugona nekutadza kwakaita zvikoro pabvunzo dzeGrade7 harina kubva kuhofisi yayo.
Mukuru weZimRights, VaDzikamai Bere, vanoti vakafunga zvekutora danho rekuendesa hurumende kumatare edzimhosva sezvo veruzhinji vasiri kuziva nezvehurongwa hwehurumende.
Rodhai zvimwe