Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheAnthrax Chotekeshera muMatunhu Madiki eMunyika Chichibata Zvese Vanhu neMombe


Bazi reVeterinary Services rinoti chirwere che anthrax chiri kupararira mumombe nemuvanhu.
Bazi reVeterinary Services rinoti chirwere che anthrax chiri kupararira mumombe nemuvanhu.

Chirwere chinouraya mombe cheAnthrax chinonzi chatekeshera mumatunhu madiki emunyika anodarika makumi matatu, hurumende ichiti iri kukurira dambudziko iri.

Chirwere cheAnthrax ichi chinonzi chabatawo vanhu vanosvika mazana mashanu negumi nevasere, kana kuti 518, kubva zvachatanga muna Mbudzi gore rapera, asi zvinonzi hapana akafa.

Mumwe ane mombe yakabatwa chirwere ichi kuHurungwe mudunhu reMashonaland West asina kuda kuzivikanwa nezita anoti vanachiremba vezvipfuwo vakaumushanyira vakabaya mombe dzavo dzose zvekuti pari zvino hapachisina dambudziko.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mugari wekuGokwe kwaNembudziya, VaMichael Zimbudzana, avo vanoti mombe dzavo dzakabayiwa mushure mekunge dzimwe mbiri dzafa dzega.

“Mombe dzangu dzose dzakabaiwa mushure mekunge paita dambudziko reAthrax munzvimbo yedu” VaZimbudzana vanotsanangura.

Acting Chief Director Department of Veterinary Services, Doctor Pious Makaya.
Acting Chief Director Department of Veterinary Services, Doctor Pious Makaya.

Vachipa mamiriro akaita chirwere cheAnthrax munyika nezuro, vakafanobata chigaro chemukuru webazi rioona nezvezvirwere zvezvipfuwo munyika, kana kuti Acting Chief Director Department of Veterinary Services, Doctor Pious Makaya, vakati mombe dzinosvika makumi matatu nenhanhatu dzakabatwa chirwere cheAnthrax mumatunhu anoti Chipinge, Hurungwe neGokwe uye vanhu 518 vakawanikwa vaine chirwere ichi munyika yose.

“Mombe dzinosvika 36 dzakafa nechirwere cheAthrax mumatunhu anoti Chipinge, Hurungwe, Gokwe North neGokwe South uye vanhu vanosvika 518 vakabatwawo nechirwere ichi nyika yose” Dr Makaya vanotsanangura

VaMakaya vanoti nyika yakawana nhomba, kana kuti ma vaccine, kubva kunyika yeBotswana inosvika zviuru mazana mana nemakumi matanhatu, kana kuti 460 000 yekubaya mombe kunyange nyika ichida nhomba inoita miriyoni imwechete nezviuru mazana maviri, kana kuti 1.2 million kubaya mombe, zvikuru dziri mumatunhu madiki anowanzoita dambudziko rechirwere ichi, kana kuti hotspots.

“Pari zvino tine ma vaccines eAthrax anosvika 426 000 atiri kubaya mombe zvikuru dziri kuma hotspots” Dr Makaya vanoenderera.

Murwere ane anthrax.
Murwere ane anthrax.


Mukuru mubazi rekuchengetedzwa kwezvipfuwo, re Veterinary Services, mudunhu reMashonalnd West, Doctor Donald Swela, vanoti vakatonyorera kubazi ravo kuti vapihwe nhomba zviuru zana nemakumi manomwe kana kuti 170 000 kuti vabaye mombe mumatunhu anozivikanwa nenyaya dzezvirwere zvemombe anoti Hurungwe neMakonde.

“Isu sepurovhinzi takatokumbira ma vaccines anosvika 170 000 anotikwanira uye tichatanga nenzvimbo dzakaita seMakonde neHurungwe dzinozivikanwa kuti dzinoita zvirwere zvemombe” Dr Swela vanozivisa.

Doctor Swela vanoti vachabayawo mombe dziri kunzvimbo dzakaita seKariba dziri kumuganhu nenyika yeZambia iyo inonzi nebazi reWorld Health Organisation-WHO- imwe yenyika shanu dzine dambudziko rakanyanya reAnthrax muAfrica.

WHO inoti dzimwe nyika dzine dambudziko reAthrax muAfrica dzinosanganisira Malawi, Kenya, Uganda neZimbabwe.

Chiremba anoona nezvezvirwere zvekutapuriranwa mubazi rezvehutano, Doctor George Kambondo, vanokurudzira vanhu kuti vasadye mombe dzinenge dzafa dzega vachiti ndizvo zvimwe chinokonzeresa kutapurirwa kwechirwere ichi nevanhu.

“Tino kurudzira kuti vanhu vasadye zvipfuwo zvakaita semombe dzinenge dzafa dzega “ VaKambondo vanozivisa

Nyanzvi munyaya dzezvirwere zvemombe, VaEdmore Mazarure, vanoti dambudziko rechirwere cheAnthrax rinogona kunetsa kupera sezvo chirwere ichi chiri kuwandira kuvanhu pasina humbowo hwekuti vakachiwana kupi.

“Dambudziko reAthrax rinogona kunetsa kupera sezvo riri Kuwandiwa kuvanhu vanonetsa kutevedzera kuti vakabata cherwere ichi kupi” VaMazarure vanojekesa

Chirwere cheAnthrax chinokonzerwa nebhakitiriya rinonzi Bacillus anthracis uye chinobatwa nemhuka dzinofura sora sezvo bhakitiriya iri richiwanikwa pasi muvhu.

Anthrax inonzi neWHO yabata nyika shanu muAfrica.
Anthrax inonzi neWHO yabata nyika shanu muAfrica.


Nyanzvi dzechirwere ichi dzinoti chinonyanya kuwanikwa kana kusina mafuro akawanda apo mhuka dzinenge dzofura uswa huri pasi pasi pedyo neivhu.

Chirwere cheAnthrax chinotapurirwawo kuvanhu kana vanhu vaka vhiya nyama yemhuka yakafa neAnthrax kana kudya nyama yacho.

Zviratidzo zvechirwere cheAnthrax zvinosanganisira kufa kwakanyanya kwezvipfuwo zvakaita semombe, kukurumidza kuora pamwe nekufutunuka kwemombe inenge yafa yega uye kubuda kweropa rebhurawuni risingagwambi nepamaburi ose ari pamhuka.

Zviratidzo pavanhu zvinosanganisira zvironda zvinobuda pamuviri uye zvinorapika nemushonga weAntibiotic.

Vanhu vakawanda munyika vakafirwa nemombe zvakanyanya zvekuti vakawanda vavo vakatovhara matanga nekuda kwezvirwere zvakaita se theileriosis, chinozivikanwa nerekuti January Disease, babesiosis, heartwater, anaplasmosis, sweating sickness, nezvimwe.

Tsvakiridzo yakaitwa inoratidza kuti mombe dzinodarika chidimu chemiriyoni kana kuti 500 000 dzichikosha madhora ekuAmerica mamiriyoni zana nemakumi mashanu, kana kuti US$150 million, dzakafa mumakore matatu apfuura.

Forum

XS
SM
MD
LG