Accessibility links

Breaking News

Vamwe muNyika Vochema neMutemo Unosungira Kuti Pfuma Yasiiwa neMufi Inyoreswe kuHofisi yaMaster of The High Court


High Court Of Zimbabwe
High Court Of Zimbabwe

Dzimwe shirikadzi pamwe nevamwe vehukama munyika vanoti mutemo unosungira kuti pfuma yasiiwa nemufi inyoreswe kuhofisi yMaster of the High Court isati yagoverwa hausi kuvafambira zvakanaka nekuda kwemari inonzi inodiwa kuti munhu akwanise kunyoresa pfuma iyi.

Pamutemo mnhu akaroora kana kuroorwa akafa mumwe wake anenge asara ndiye anenge aine mvumo yekutanga yekushandisa nhaka kozotevera vana vake kana vamwe vehukama.

Asi nguva dzakawanda izvi zvinonzi handizvo zvinozoitika. Madzimai mazhinji anoti murume akafa hama dzake dzinobva dzatora pfuma yasiiwa zvekuti mukadzi anenge asara pamwe nevana vanosara vachishupika kunyange hazvo baba vemusha vainge vakashandira mhuri yavo.

Asi vanhurume vanotiwo vanosanganawo nedambudziko rakadai kana mukadzi akatangawo kufa vachiti hama dzake dzinotorawo zvose zvavakashanda pamwechete, kunyange nezvinotarisirwa kuti zvinofanirwa kusiirwa vana.

Dzimwe nguva vakoma nevanin’ina vemufi kumativi ose vanotora magwaro epfuma mufi asati atombovigwa apo afirwa anenge achiri kuchema mumwe wake asingafunge zvakanyanya pamusoro pepfuma yasara.

Nekuona kukwira kwedambudziko iri, hurumende yakasimbisa mutemo unoti pfuma yose yasiiwa nemufi inofanirwa kunyoreswa kuhofisi ya Master of High Court mukati memazuva gumi nemana kubva zvafa muridzi. Izvi zvinosanganisira kana dai mufi akasiya gwaro rinoratidza kuti anoda kuti pfuma yake ipiwe ani kana kuti “Will.”

Asi vakawanda vataura neStudio 7, zvikuru shirikadzi, dziri kuchema nemari yadzinoti inobhadhariswa nehofisi iyi, iyo inonzi inoita zvikamu zvina kubva muzana zvepfuma yose yemufi, kana kuti 4 percent, kuti hama dzikwanise kunyoresa pfuma yemufi, izvo zvinogona kuzosvitsa mukuti varasikirwe nepfuma nekuda kwekushaya mari inodiwa iyi.

Mumwe mudzimai akafirwa nemurume anoti ari kuedza kunyoresa pfuma kuhofisi yaMaster of High Court muChinhoyi ndiAmai Angeline Muzuva vekuKariba.

Amai Angeline Muzuva.
Amai Angeline Muzuva.


Amai Muzuva vanoti zviri kuvadhurira kunyoresa pfuma yakasiiwa nemurume wavo kudare repamusoro reHigh Court, nekuda kwemari yavakanzi vabhadhare.

“Apa ndirikunzi ndibhadhare 500 (US$) ndakabvira kuKariba ndichiibhadhara kuti ndipihwe mapepa acho enhaka” Amai Muzuva vanotsanangura

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mudzimai wemudunhu reMasvingo, Amai Getrude Chihambakwe, vanoti vakanzi vabhadhare madhora ekuAmerica mazana maviri nechidimu kana kuti US$250.00.

“Ini ndakanzi ndibhadhare US$250 kuti zvinhu zvemurume wangu zvigovewe asi handisati ndave nayo parizvino” Amai Chihambakwe vanotsanangurawo.

Kunyange vakafirwa asi vakaroorana patsika dzechivanhu vanoti vari kusanganawo nedambudziko rekutadza kufambisa nyaya dzavo kumatare sezvo hama dzevarume dzichiramba kuvayamura apo panenge pachidiwa hama dzemurume kudare kuti dzive zvapupu, sekutaura kwaAmai Chenai Masimba vekuMazowe mudunhu reMashonaland Central.

“Ini nyaya yangu yakamira hapana zviri kufamba sezvo vana babamunini nana babamukuru vari kuramba kuenda neni kumatare kunogadzirisa mapepa” Amai Masimbe vanochema chema.

Gweta guru munyaya dzezvekodzero dzemadzimai uye vachishanda neWomen Coalition of Zimbabwe, Muzvare Seppy Ndlovu, vanoti dambudziko guru ndere mhando yemuchato unenge usina kunyoreswa unozomanikidza madzimai kuti atsvake hama dzemurume kuti vanyorese kumatare sezvinodiwa nemutemo.

“Vakadzi vakawanda vari kutadza kuwana pfuma yakasiyiwa ne varume vavo nekuda kwemhando yemuchato yavanenge vainayo iyo inoita kuti hama dzemurume dzibvume kana kuramba kuti mukadzi wemufi “ Muzvare Ndlovu vanotsanangura.

Gweta reWomen Coalition of Zimbabwe, Amai Seppy Ndlovu
Gweta reWomen Coalition of Zimbabwe, Amai Seppy Ndlovu


Muzvare Ndlovu vanokurudzira madzimai akaroorwa kuti anyorese michato yavo kumatare kana kumadzimambo kana uri wechivanhu.

“Ndinokurudzira kuti madzimai anyorese michato yavo kumatare kana kumadzimambo kana iri yechivanhu” Muzvare Ndlovu vanokurudzira.

Mukuru muhofisi yaMaster of High Court muChinhoyi, VaJacob Tunhira, vanoti mutemo unobvumira kuti vanhu vagove nhumbi dzaipfekwa nemufi chete vachiti midziyo yakaita semba, magejo, minda, mota nezvimwe zvikuru inogovewa chete kuburikidza nematare.

“Hazvitenderwe nemutemo kuti vanhu vagove dzimotokari, midziyo yemumba kana dzimba vanobvumirwa kugova hembe chete kusaita izvi imhosva” VaTunhira vanozivisa.

Panyaya yekudhura kunyoreswa kwepfuma yemufi, VaTunhira vanoti kunyoresa kana paine muchato wechivanhu mahara uye kunyoresa muchato unegwaro remudare kana kuti civil marriage madhora ekuAmerica gumi.

VaTunhira vanoti panozodiwa mari inoita zvikamu zvina kubva muzana pamari yezvinhu zvinenge zvanyoreswa zvose kuti ndizvo zvichagovewa yavanoti inogona kunge yakawandisa zvichienderana nezvinhu zvacho.

VaJacob Tunhira vehofisi yaMaster of High Court
VaJacob Tunhira vehofisi yaMaster of High Court

Mambo Katizagombo vekwaZvimba, VaGibson Jenami, vanoti mutemo wenhaka munzvimbo dzakawanda wave kuti mudzimai nevana vemufi ndivo vanogoverwa zvinhu vachiti hama dzinongopihwa nhumbi dzekupfeka dzemufi.

“Tinotarisa mai semunhu achasara achienderera mberi nemusha wake nevana vake saka nhaka yekutanga tinotarisana naAmai” Mambo Katizagombo vanotsanangura.

Asi Mambo Katizagombo vanobvuma kuti kare mukadzi hapana chaaiwana kana asina kugarwa nhaka.

“Asi kare mudzimai ainge asinga pihwe pfuma sezvo ayigarwa nhaka” Mambo Katizagombo vanotsanangura.

Muzvare Ndlovu vanodzoka zvakare vachitsanangura pamusoro pekutorerwawo pfuma yese kunoitwa vanhurume nehama dzemukadzi, zvikuru kana madzimai uyu ayishanda.

“Zvinoitikawo kuvarume vabereki vamukadzi vanogona kutorera murume pfuma yese vachiti mwana wedu aishandawo” Muzvare Ndlovu vanozivisa.

Iye zvino murume nemukadzi vakaroorana pachivanhu vanogona kunyoresa wanano yavo kwaMambo, chero paine humbowo hwekuti murume akabvisa pfuma.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG