Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotsvaga Huwandu hweVanhu Vari Munyika


Zimbabwe inoti ichaita hurongwa hwekuverenga vanhu vari munyika, kuitira kuti izive huwano uhu kuti hwakamira seyi.

Chirongwa ichi chiri kuitwa muna Nyamavhuvhu.

Izvi zvaziviswa nemukuru wePopulation Census and Surveys mubazi reZimstat, VaWashington Tapuwa Mapeta, avo vati mukuverenga vanhu vari munyika, vachashandawo nenyika dzine zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda kuti dzivabatsire nekuvazivisa huwandu hwevanhu vemuZimbabwe vari munyika idzi.

Vanhu vemuZimbabwe vakawanda vari munyika dzakaita seSouth Africa, Botswana, Mozambique, Zambia, America neBritain. Pane fungidziro yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinodarika mamiriyoni matatu.

Pari zvino Zimstat iri kudzidzisa vachadzisisa vanhu vachaita basa rekuverenga vanhu, vazhinji vavo vachibva muvarairidzi, izvo zvichaita kuti zvikoro zvikasike kuvharwa nesvondo rimwe chete.

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vakazivisa kuti Zimbabwe inoda mari inoita mamiriyoni makumi matatu nemanomwe emadhora yekuti chirongwa ichi chibudirire.

Zimbabwe yakapedzisira kuverenga vanhu mugore ra2002, uye huwandu hwevanhu panguva iyoyo hwaidarika zvishoma mamiriyoni gumi nerimwe.

Kuverengwa kwevanhu kunobatsira muzvirongwa zvakasiyana siyana munyika zvakaita senyaya dzeupfumi, hutano, nezvimwe zvakadaro.

XS
SM
MD
LG