Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvovhurwa Asi Varairidzi Vakawanda VaChiramwa Mabasa


Zvikoro zvakawanda zvakavhurwa neMuvhuro asi zvinhu zvichiratidza kuti hazvina kunyatsorongeka nekuda kwekuramwa mabasa kwevarairidzi uye kutyira kwavo nevabereki kuti hurumende iri kukurumidza kuvhura zvikoro pasina gadziriro yakakwana yekuti chirwere cheCovid-19 chisapararire.

Vavhura vana vari kunyora bvunzo dzeGrade 7, Form 4 neUpper 6. Mumavhiki mana vachanyora gore rinouya vachatangawo kuenda kuchikoro. Kudzanai musengi anotipa nyaya inotevera.

Muzvikoro zvashanyirwa neStudio 7 muguta reBulawayo kusanganisira Coghlan Primary, Lobengula Primary, Evelyn High School, Mzilikazi Secondary, neMpopoma High School, vana vari kuzonyora bvunzo
pakupera kwegore pamwe nevadzidzisi vashoma vaenda kuzvikoro sekurudziro yehurumende.

Wose ange achipinda muzvikoro izvi kusanganisira vana vechikoro, vadzidzisi pamwe nevabereki vange vachiongororwa kupisa kwemiviri yavo uye kugezeswa maoko sezvinokurudzirwa nevezvehutano kudzivirira kutapuriranwa kwehutachiwana hwecoronavirus hunokenzera chirwere
cheCovid-19.

Kunyange hazvo vadzidzisi vose kusanganisira vanodzidzisa vana vasiri kunyora bvunzo vange vakanzi vauyewo kubasa, ongororo yaitwa neStudio 7 inoratidza kuti vakawanda vavo havana kuenda kumabasa.

Mumwe mudzidzisi anodzidzisa pane chimwe chikoro muBulawayo uyo asina kuda kudomwa nezita sezvo achityira basa rake, ati anotodzidzisa vana vari kunyora bvunzo asi ati atadza kuenda kubasa nekuda kwekushaya mari.

Izvi zvatsinhirwawo nemumwewo mudzidzisi anodzidzisa kumaruwa mudunhu reMatabeleland South, uyo angozvidoma nezita rekuti Muzvare Moyo.

Mukuru wesangano reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe VaTakavafira Zhou vati ongororo yaitwa nesangano ravo yaratidza kuti muzvikoro zvakawanda vadzidzisi vakawanda vange vasina kuenda kumabasa vachitiwo muzvikoro zvizhinji, vadzidzi vange vauya vadzorerwa kumba sezvo vadzidzisi vange vasina kuuya kubasa.

Mukuru wesangano reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, VaObert Masaraure vatsinhira zvimwe chete vachiti zvikoro zvekumaruwa ndizvo zvayanya kuve nevadidzisi vasina kuenda kumabasa.


Murongi wemabasa musangano reNational Association of School Development Associations and Committees VaBanny Manokora vati vanonzwisisa zvichemo zvevadzidzisi asi dai vaita nemoyo
wekunzwira vana tsitsi, vachitiwo vabereki pachavo vakazvipira kuita zvose zvavanogona kuti vadzidzisi vaite basa ravo vachifara.

Kunze kwekunyunyuta pamusoro pemari yemuhoro vadzidzisi vanotiwo havagutsikane kuti hurongwa hwakaitwa nehurumende hwekuvadzivirira ivo pamwe nevadzidzi kuti vasatapurirane hutachiwana hweCovid-19 hwakakwana.

Vakafanobata chigaro chemurongi wemabasa musangano reEducation Coalition of Zimbabwe VaClemence Nhliziyo vanoti sangano ravo range riri muchikwata cheboka raitungamirwa negurukota redzidzo chekuona kuti gadziriro yekuvhurwa kwezvikoro yakakwana here.

Vati vanogutsikana kuti zvakawanda zvinodiwa kuitwa kudzivirira kutapuriranwa kwehutachiwana hwecoronavirus zvakaitwa. Asi vanoti dai hurumende yagadzirisa nyaya yemuhoro wevadzidzisi kuti vakwanise kuita
basa ravo nemazvo.

Asi vachitaurawo neStudio 7 neSvondo, gurukota rezvedzidzo VaCain Mathema vakati hurumende yainge yaita zvose zvinodiwa kuti zvikoro zvivhurwe uye kuti pasatapuriranwe chirwere cheCovid-19.

Vakatiwo vari kutoshamisika kuti vadzidzisi vari kuda kuti vatambiriswe nemadhora ekuAmerica. Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakatiwo zvikoro zvakagadzirira zvakakwana zvekuti vabereki nevarairidzi havafanire kutya kutapurirwa chirwere cheCovid-19.

Asi zvimwe zvikoro zvinonzi zvange zviri kumanikidza vana kutenga mamask azviri kutengesa zviri kurambidzwa nehurumende sezvo vamwe vabereki vange vatotengera vana vavo kare.

Mumwe anoshanda muhofisi yezvekudyidzana neveruzhinji mubazi rezvedzidzo uyo asina kuda kudomwa nezita kana kutaura pamhepo sezvo asingabvumidzwe kutaura nevatapi venhau ati bazi redzidzo richiri kuita ongororo yekuti zvinhu zviri kufamba sei pakuvhurwa kwezvikoro rozobudisa maonero aro pakupera kwesvondo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG