Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vanoti Musangano Wavo naVaKasukuwere Hauna Chawaburitsa


VaSaviour Kasukuwere
VaSaviour Kasukuwere

Nekuona kusamira zvakanaka kwezvinhu, vakafanobata chigaro chegurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, vakadaidzira musangano nemasangano evashandi pasi pechirongwa cheNational Joint Negotiating Council.

Musangano uye wange uri wekuzeya nyaya dzemabhonasi nezvimwe zvichemo zvevashandi zvinosanganisirawo kubatirwa mari dzemudyandigere uye nyaya dzemazuva ekutambira mihoro yavo ogara achichinjwa chinjwa nehurumende.

Hurumende yazivisawo kuti vashandi vose vange vasina kubhadharwa kusanganisira vana chiremba navana mukoti vange vachiramwa mabasa vakabhadharwa neChipiri.

Mutungamiri wesangano reZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Fortune Nyamande, vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti vakatambira mari neChipiri uye vadzokera kumabasa.

Asi vayambira kuti vachatanga zvekare kuratidzira musi wa 31 Ndira kana vasina kupihwa mari dzavo dzemabhonasi.

Sachigaro weApex Council, VaRichard Gundani, vaudza Studio7 kuti pamusangano weChitatu hapana chabuda nekuti hurumende yaramba kuzvipira kuti ichavabhadhare nenguva mari dzemihoro nemabhonasi.

Mashoko aya atsinhirwawo nemutungamiri wesangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaTakavafira Zhou, avo vaburitsa mashoko kuvatori venhau vachitiwo hurumende yakaramba kuti idzikise mari dzairi kubataira vashandi kusvika pamadhora gumi pamwedzi.

Vati pane kubvisa mari idzi, hurumende iri kuda kutotora imwe mari yezvehutano kana kuti Health Insurance inosvika madhora makumi maviri manomwe, neimwe inosvika madhora gumi nerimwe emari yebhanga reNational Social Security Authority.

VaKasukuwere vange vamboti vachafonera Studio7 kuti vape divi ravo asi havana kuita izvi pataenda kumhepo.

Hurukuro naVaRichard Gundani
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG