Accessibility links

Breaking News

Varwere Voshaya muZvipatara Sezvo Musina Varapi


Sangano reZimbabwe Hospital Doctors Association rinoti richiri mubishi kuongora kuti huwandu hwevacheche nemadzimai vakashaya apo vaisununguka apo vana chiremba vairatidzira kutanga neChishanu hwakamira sei.

Mutungamiri wavana chiremba ava, Dr Fortune Nyamande, vaudza Studio 7 kuti mari dzemihoro dzave kuoneka mumabhanga kunyangwe vachikwanisa kudzitora neChipiri chete.

Mumashoko aburitswa nesangano ravana chiremba neravana mukoti reZimbabwe Nurses Association mushure memusangano wavakaita neMuvhuro, masangano aya ati achadzokera kubasa chete kana vabata mari yavo nemusi weChipiri.

Vatiwo vanoda kuti vapihwe mabhonasi avo musi wa 31 Ndira.

Asi vakuru vemamwe maasangano evashandi vehurumende vakasangana nagavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vakaudzwa kuti hurumende haina mari uye mabhonasi angangopihwa vanhu mukati memwedzi mitanhatu.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, kanawo gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, sezvo vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Dr Nyamande vaudza Studio 7 kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara.

Hurukuro naDr Fortune Nyamande
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti dambudziko rekutadza kubhadhara vashandi hari kuvashamisa uye zvichatora nguva kuti hurumende irigadzirise.

Hurukuro naVaProsper Chitambara
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG