Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inobatana nePasi Rose kuCherechedza Zuva World Food Day


Mhuri dzakawanda dzinoti dzacherechedza zuva iri dzisina chikafu chinodzikwanira.
Mhuri dzakawanda dzinoti dzacherechedza zuva iri dzisina chikafu chinodzikwanira.

Zimbabwe yabatana nepasi rose mukucherechedza zuva rechikafu pasi rose reWorld Food Day, veruzhinji munyika vachichema kuti havana zvekudya zvinokwanira mhuri dzavo.

Panguva iyo pasi rose racherechedza zuva reWorld Food Day, iro rinokoshesa kuti veruzhinji vange vaine zvokudya zvakakwana, veruzhinji munyika vakaita saAmai Nancy Gondongwe vemuHarare vanoti vari kunetseka nekuraramisa mhuri yavo sezvo hupfumi hwenyika husina kumira zvakanaka.

Izvi zvatsinhirwawo nemumwe murimi wekuGoromonzi, Amai Marcia Kanengoni, vanove mumwe wevakapihwa munda nehurumende pasi pechirongwa chekugoverwa kwevhu kuvanhu vatema, avo vati dambudziko rekuraramisa mhuri yavo rabva rawedzera gore rino sezvo vachiti havana kukohwa zvakanaka kuburikidza nekusanaya zvakanaka kwemvura pamwe nekudhura kuri kuita zvikwanisiro zvavanoda mukurima.

Gurukota rezvekurima, VaAnxious Masuka, vaudza Studio 7 parunhare kuti hurumende iri kusimbaradza nyaya yemaguta vachiti varimi vazhinji vari kupihwa zvekushandisa zvakaita sembeu nefetereza pachena kuti vabatsirikane, uye vamwe vari kuwanawo zvinhu izvi nechikwereti pasi pechirongwa cheCommand Agriculture kuitira kuti nyika ikwanise kuva nechikafu chinokwanira munhu wese.

Sangano reWorld Food Program, iro rakapihwa mubayiro weNobel Peace Prize mazuva mashoma adarika, rinoti vanhu vanodarika mamiriyoni mashanu munyika zvikuru sei kumaruwa, vakatarisana nenzara yakakomba.

Zvichakadai, munyori anoona nezvekurima muMDC Alliance, VaRasty Markham, vanoti chinodiwa ndechekuti varimi vanofanira kupihwa zvekushandisa mukurima paine nguva uye vanenge vatora zvikwereti pakurima vadzoserewo zvikwereti zvavanenge vapihwa.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvekurima uye vachishanda neUniversity of South Africa, VaToendepi Shonhe, vanoti varimi vanofanira kuwana mari inonyatsokwana mukuita basa ravo. VaShonhe vanoti mari yakanangana nechirongwa cheCommand Agriculture ishoma zvikuru zvekuti nyika ingave nemaguta.

VaShonhe vatiwo nyaya yemitengo yezvirimwa ndiyo iri kukonzera zvakanyanya kuti varimi vasaise simba ravo rose mukushanda muminda yavo.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti hupfumi hwenyika hwakatanga kuwira pasi muna 2000 apo hurumende yeZanu PF yakatanga kutora mapurazi kubva kuvarimi vechichena ichipa kuvarimi vatema, avo vanonzi nenyanzvi idzi havana mari yakakwana pamwe nezvimwe zvinoshandiswa pakurima zvakaita semichina nemishonga.

Nyaya ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG