Accessibility links

Breaking News

Mumwe Mudzimai Oedza Kumisa Muchato waVaTsvangirai naMuzvare Macheka


Tsvangirai honored by France
Tsvangirai honored by France
Muchato wemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, naMuzvare Elizabeth Macheka, ungangotadza kuenderera mberi neMugovera zvichitevera kuwunzwa kwaitwa imwe nyaya nemumwe mudzimai weku South Africa anoti akavimbiswa kuroorwa naVaTsvangirai.

Chizvarwa cheku South Africa, Muzvare Nosipho Regina Shilubane, vasvitsa mapepa kudare ramejasitiriti remuHarare neChina vachiti vanoda kuti muchato waVaTsvangirai naMuzvare Macheka umiswe.

Muzvare Shilubane vava mudzimai wechipiri ari kuda kuti muchato uyu umiswe zvichitevera kukwidzwawo kwakaitwa nyaya yakadai naMuzvare Locadia Karimatsenga Tembo, iyo yakaraswa nedare neChitatu.

Mumapepa asvitswa kudare naMuzvare Shilubane, VaTsvangirai vanonzi vakavimbisa mudzimai uyu kuti vachachata muna Ndira wegore rino asi VaTsvangirai havana kuzozadzisa zvavakanga vataura.

Mapepa aya anoti hama dzaMuzvare Shilubane dzakaungana ku South Africa muna Ndira dzakamirira kuti VaTsvangirai vazobhadhara mari yeroora asi vakazoti vakange vabatikana nemabasa muhurumende yemubatanidzwa.

Mapepa aMuzvare Shilubane asvitswa kudare aya anotiwo VaTsvangirai vakazofonerwa vakati vachazoita izvi muna Zvita wegore rino.

Mapepa aya anotiwo VaTsvangirai vakaita mabiko ekubatisana nhumbi naMuzvare Shilubane kana kuti engagement muna 2010 vachiti vachazochata nechizvarwa cheku South Africa.

Zvichitevera mutongo wakapihwa nedare repamusoro neChitatu, magweta aMuzvare Karimatsenga Tembo akasvitsa chikumbiro kuna mejasitireti akapa VaTsvangirai mvumo yekuti vachate naMuzvare Macheka chekuti mvumo iyi ikanzurwe.

Mutongi wedare ramejasitiriti, VaMunamato Mutevedzi, vati nyaya mbiri idzi dzichanzwikwa pamwe chete neChishanu mangwanani zvichitevera chikumbiro chaitwa nemagweta ari kumirira Va Tsvangirai panyaya iyi.

Rimwe remagweta ari kumirira Muzvare Karimatsenga Tembo, Va Dumisani Mtombeni, vati magweta aVaTsvangirai ari kuda kumboongorora magwaro asvitswa kudare nemagweta aMuzvare Karimatsenga Tembo pamwe nemagweta aMuzvare Shilubane.

VaMutevedzi vati vachapa mutongo wavo neChishanu mangwanani kuitira kuti kana paine anonyunyuta nezvavanenge vatura, agokwanisa kukwira kumatare epamusoro.

Muchato waVaTsvangirai naMuzvare Elizabeth Macheka wakatarisirwa kuitwa paRaintree ku Umwinsdale muHarare neMugovera.

Vanhu vakakokwa kumusangano uyu vanosanganisira mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, mutungamiri we Malawi, Amai Joice Banda, pamwe nemutungamiri weBotswana, Va Ian Khama.
XS
SM
MD
LG