Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose, reAmnesty International, riri kukurudzira hurumende ye South Africa kuti imbomira kudzosera zvizvarwa zvedzimwe nyika zvakasungwa kunyika iyi kudzamara vanhu ava vakwanisa kumiririrwa nemagweta sezvinodiwa nemitemo yenyika.
Zvinonzi kune zvizvarwa zveZimbabwe zvinokwana zana nemakumi manomwe zviri pakati pevanhu vakasungwa ava.
Vachitaura ne Studio 7 vari ku Johannesburg ku South Africa neChishanu, mukuru we Amnesty International kuchamhembe kwe Africa, Va Deprose Muchena, vakurudzira hurumende yaVa Jacob Zuma kuti isadzinge vanhu vakasungwa nemapurisa pachirongwa chiri kudaidzwa kuti Operation Fiela icho chavafananidza ne Operation Murambatsvina yakamboitwa mu Zimbabwe muna 2005.
Va Muchena vakurudzira hurumende ye South Africa kuti imise Operation Fiela vachiti iri kutyora kodzero dzevanhu. VaMuchena vanoti mapurisa ehurumende ye South Africa akapinda munzvimbo dzakaita se Methodist Church iri mu Johannesburg apo panogara vapoteri vazhinji pamwe nepa Fatties Mansions achishanda nemasoja vachiti vari kutsvaga mbavha asi vaine chinangwa chekusunga vapoteri ava.
Zvizvarwa zve Zimbabwe zvizhinji zvakanotsvaga hupoteri ku South Africa pakatanga kuwona zvinhu munyika uye vamwe vevanhu ava vanonzi vari kugara zvisiri pamutemo. Amnesty International inoti kusungwa kwakaitwa vapoteri ava nehurumende ye South Africa kuwedzera peturu mumoto zvichitevera kurwiswa kwakaitwa zvizvarwa zvedzimwe nyika nezvizvarwa zve South Africa mwedzi wapera uko kwaidaidzwa kuti xenophobia.
Zvichakadai, magweta ari kumirira vasungwa ava ataura neStudio7 anoti azopihwa mvumo yekuti awone vasungwa ava.
Izvi zvatsinhirwawo negweta, uye vari mukuru weZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba.