Accessibility links

Breaking News

Amai Vesta Sithole Vanoradzikwa kuGlen Forest muHarare


Vesta Sithole
Vesta Sithole
Gamba rakarwira rusunguko rwenyika uye vari mudzimai wemushakabvu, Ndabaningi Sithole, Amai Vesta Sithole, avo vakashaya svondo rapera muAmerica, varadzikwa neMuvhuro kumarinda eku Glen Forest kunze kweHarare mutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, vachiti mushakabvu aifanirwa kupihwa ruremekedzo rwegamba renyika.

Vachitaura kumba kwemushakabvu kuWaterfalls muHarare, VaTsvangirai vati basa rakaitwa naAmai Vesta Sithole ibasa guru kwazvo zvokuti vaifanirwa kuitwa gamba renyika.

Kurudziro iyi inouya apo hurumende yaiva yeZanu PF yaVaRobert Mugabe yakaramba kupa murume wemushakabvu, VaNdabaningi Sithole, ruremekedzo rwegamba renyika zvichitevera mabasa avakabata nemudzimai wavo muhondo yerusunguko. Mapato anopikisana neZanu PF ari kupomera bato iri mhosva yekungopa ruremekedzo urwu kune vanhu vanenge vari mu Zanu PF chete.

Mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Va Arthur Mutambara, vatiwo pane zvidzidzo zvakawanda zvinokwanisa kuwanikwa nezvizvarwa zveZimbabwe kubva muhupenyu hwaAmai Sithole avo vakashayikira kuSouthern Maryland Hospital mu Maryland ku America nemusi wa 20 Gunyana.

Mukuru mukuru wesvondo ye United Church of Christ in Zimbabwe, iyo yaipindwa nemushakabvu, Mufundisi Matuvhunye, vaudza chita chevanhu vanga vari parufu apa kuti Amai Sithole vakabata basa rakakura chaizvo munyaya dzechitendero. Vati vakabatsirawo vanhu vazhinji vanotambura munyika kubudikidza nekutsvagira vanotambura chikafu pamwe nezvekupfeka.

Vachitaurawo parufu urwu, vataura vakamirira mhuri yemushakabvu, Muzvare Sifiso Sithole, vati mhuri yavo pamwe neruzhinji rweZimbabwe varasikirwa zvikuru nekushaya kwaAmai Sithole.

Amai Sithole vakaberekwa vachinzi Vesta Zvemwaida Saungweme musi wa 26 Gunyana muna1942 paMutambara Mission Hospital kuChimanimani mudunhu reManicaland.

Vakaroorwa namushakabvu Jackson Mwakalyelye muna 1966, avo vakazoshaya muna 1972 kuTanzania.

Mushure memakore masere, vakazoroorwa muna 1980 naReverend Ndabaningi Sithole, avo vakavamba bato reZanu.

Amai Sithole vakabuda munyika vaine makore gumi nemapfumbamwe vachienda kunobatana nevamwe mukuumba hurumende yemuhupoteri pasi pebato re Zapu ku Tanzania.

Amai Sithole, avo vaidzidzira hukoti, vakasiyira zvidzidzo zvavo panzira kuitira kuti vaende kunopinda muhondo yerusununguko.

Vakabatsira munguva yehondo nekubatsira kutsvaga vanhu vaida kupinda muhondo yerusununguko, kuvachengeta uye kutsvaga mari yehondo yeChimurenga.

Amai Sithole mumwe wevanhu vakashungurudzwa zvikuru pamwe nekusungwa nehurumende yevachena munguva yeRhodesia. Vakashungurudzwa zvakare nehurumende yeZanu PF apo yaitonga yega, murume wavo achipomerwa mhosva dzekuda kupidigura hurumende.

Amai Sithole vakanyora nhoroondo yehupenyu hwavo pamwe nemurume wavo mubhuku rinonzi “My Life With An Unsung Hero."

Amai Sithole vasiya vana vanoti Ndimyake, mutori wenhau we Voice of America, uyo akava mumwe wevatori venhau vakavhura Studio7 payakavambwa muna Ndira 2003, Rufaro, Tapiwa naGwalugano Mwakalyelye ari kuTanzania.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG