Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvakatiza mhirizhonga iri kuitika kuSouth Africa yakananangana nevanhu vasiri venyika iyi, zvinoti zvave kudzokera ku South Africa kwakare sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka muZimbabwe.
Studio7 yasvika panzvimbo inokwirirwa mabhazi anoenda kuSouth Africa mu Harare panozivikanwa nekuti Roadport payaona vanhu vanga vachienda ku South Africa avo vanoti mhirizhonga iyi iri kuitika kuSouth Africa iri nani pane kugarira nhamo iri mu Zimbabwe.
Mumwe wevanhu ava, ndiVa Naison Musiyambiri, avo vanoti vakatiza ku Kwa Zulu Natal ku South Africa svondo rapera. Va Musiyambiri vanoti zviri nani kuti vadzokere kuSouth Africa pane kuona nhamo iri muZimbabwe.
Mumwe wevanga vachienda ku South Africa ava, Muzvare Benhilda Murinda, vati kunyange hazvo kari kekutanga kwavari kuenda ku South Africa, kusamira zvakanaka kwaita hupfumi hwenyika mu Zimbabwe ndiko kwaita kuti vati vanonozvionera mberi.
Mukuru we Civil Protection Union, Va Madzudzo Pawadyira, vaudza Studio 7 parunharare kuti vachange vachiongorora zvizvarwa zveZimbabwe zvave pamuganhu weZimbabwe neSouth Africa ku Beit Bridge kuti vanhu here zveshuwa vakatiza kusagadzikana kuri mu South Africa kana kuti vanhuwo zvavo vari kuda kungoshandisa mukana uyu kukwira mabhazi mahara.
Hurumende inonzi yaendeswa mabhazi kuBeit Bridge kunotora vanhu vari kutiza mhirizhonga kuSouth Africa.
Va Pawadyira vati vari mumusangano ku Beitbridge kwakare wekuedza kutsvaga kuti vanenge vasina pekugara muno vawane pekugara kana vatutwa kubva ku Beitbridge.
Vanhu vakawanda vanonzi vakakuvadzwa mumhirizhonga ye xenophobia ku South Africa uye pane vamwe vanonzi vakatofa vanosvika vashanu.
Zvichakadai, dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzashora mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, nekubuda munyika vachienda kumusangano we Non Aligned Movement uri kuitirwa ku Indonesia.
Mutungamiri we South Africa, Va Jacob Zuma, vakatoregedza kuenda kumusangano uyu nepamusana penyaya yerusarura rudzi muSouth Africa iyo iri kushorwa pasi rose.
Studio7 yaedza kutaura negurukota rezvemukati menyika, Va Kembo Mohadi, asi vati havataure ne Studio7.