Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anorwisana neVanhu Vanga Vachiratidzira muHarare Vachishoropodza VaMugabe


Zimbabwe's President Robert Mugabe, right, arrives for the heads of state meeting of the annual African Union (AU) summit, held at the AU headquarters in Addis Ababa, Ethiopia, Jan. 30, 2015.
Zimbabwe's President Robert Mugabe, right, arrives for the heads of state meeting of the annual African Union (AU) summit, held at the AU headquarters in Addis Ababa, Ethiopia, Jan. 30, 2015.

Mapurisa arwisana nevanhu vanga vachiratidzira mu Harare pari kuitirwa musangano wesangano renyika dziri kuchamhembe kwe Africa weSADC.

Varatidziri ava, avo vanga vachidarika mazana maviri, vatangira kuratidzira panosangana migwagwa inoti Jason Moyo naJulius Nyerere vakatakura mapepa ane zvinyorwa zvakasiyana-siyana zvanga zvichitsoropodza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvimwe zvezvinyorwa izvi zvanga zvakanzi “Mugabe chibva pachigaro wauraya nyika” uye zvimwe zvanga zvakanzi “Tinoda sarudzo dziri pachena”.

Pasvika varartidziri ava pa Meikles Hotel apo pari kuitirwa musangano uyu, mapurisa anga akapakatira zvombo abva amhanyisa varatidziri ava avo vabva vasiya vamwaya mapepa avanga vakatakura pamusuwo wehotera iyi.

Vekunze vari kupinda musangano uyu vabudawo muhotera vakatanga kuwona zvanga zvichiitika izvi.

Mapurisa azorwisana nevamwe varatidziri pedyo nemahofisi ari paHarvest House. Mapurisa azoswerawo akakomba muzinda we MDC-T uyu kunyange hazvo vashandi vebato iri vaswera vachiita mabasa avo.

Mumwe wevaratidziri ava, Va James Mukwaira, vati kuratdzira kwanhasi kwanga kwakanangana nekuratidza vatungamiri ve SADC kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZimbabwe.

Mumwe wevanhu ava, Va Mathew Manomano, vatiwo vari kukurudzira SADC kuti itore matanho panyaya dzekufambiswa kwesarudzo munyika kuitira kuti munyika muve nehutongi hwejekerere.

Mumwe wevaratidziri, Va Wilfred Nyamanhindi, vatiwo SADC haifanire kuramba yakanyarara vanhu vachikuvara nemhirizhonga iri kuitika ku South Africa uko zvizvarwa zvenyika iyi zviri kudzinga zvizvarwa zvedzimwe nyika zvichipomerwa mhosva yekupedzera zvizvarwa zveSouth Africa mabasa.

Hurumende ye South Africa yakaisa masoja mumigwagwa senzira yekuedza kupedza mhirizhonga iyi.

Zvichakadai, mutungamiri weZambia, Va Edgar Lungu, ndemumwe wevatungamiri venyika dziri mu SADC vatopinda munyika pamberi pemusangano wevatungamiri venyika dziri mu SADC uchaitwa neChitatu.

Va Lungu, avo vakatarisirwawo kuvhura zviratidzwa zvekutengeserana kana kuti Zimbabwe International Trade Fair ku Bulawayo neChina, vasangana naVa Mugabe asi pataenda pamhepo vaviri ava vanga vachiri mumusangano.

Makurukota anowona nezvinoitika kunze kwenyika pamwe neanowona nezvekutengeserana ari munyika dziri mu SADC asangana neChipiri achizeya zviri kuitika munyika dziri mu SADC uye musangano uyu wanga uchiri pakati pataenda pamhepo.

Dingindira remusangano uyu rakanangana nekuvandudza maindasitiri kuitira kuti ashande nemazvo munyika dzemuSADC.

Hurongwa hwekusimbaradzwa kwemaindasitiri, kana kuti industrialization roadmap, huri kutarisirwa kutambirwa nevatungamiri veSADC pavanopinda mumusangano wavo wechimbi chimbi neChitatu.

XS
SM
MD
LG