Vaimbova mumiriri weHurungwe West mudare reparamende, VaTemba Mliswa, vanoti vave kuronga kuendesa vanoona nezvemabaasa muZanu-PF vari gurukota rezvematunhu, VaIgnatious Chombo, kudare reInternational Criminal Court vachivapomera mhosva dzekutyora kodzero dzevanhu.
VaMliswa vanoti vari kuendesa zvakare imwe nhengo yeZanu-PF Central Committee, VaPhlip Chiyangwa,
VaMliswa vakadzingwa muZanu-PF vachinzi vaitsigira vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, avo vakadzingwawo mubato.
VaMliswa vanoti kuHurungwe West kwaberekera ingwe zvokuti vanhu vava kugara vakabatira hura mumaoko.
Mashoko aVaMliswa anoouya apo Studio 7 yawana vhidhiyo inoratidza VaChombo vachitsvaga rutsigiro kuHurungwe West asi vachishandisa mashoko ekutyisidzira vanhu kuti vasavhotere VaMliswa.
VaChombo vanoti vainge vatodzinga mamwe masabhuku aitsigira VaMliswa vachitiwo vachapa masabhuku ose vanhu vanenge vachiongorora mafambiro avo kusvika musi wa 10 Chikumi pachaitwa sarudzo.
Hatina kukwanisa kubata VaChombo kuti titaure nezvevhidhiyo sezvo vange vasingadaire nharembozha yavo.
Asi VaChiyangwa varamba kuti vari kuita zvemhirizhonga vakati VaMlsiwa vave kupota vachirasika pfungwa.