Vaimbova mutevedzeri wegurukota rezvemitemo, VaFortune Chasi, avo vakadzingwa basa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe neSvondo vanoti vacharamba vari nhengo yeZanu-PF uye vanotambira havo kumiswa basa.
VaMugabe nesvondo vakadzinga mamwe makurukota maviri uye vatevedzeri vemakurukota mashanu.
Vakadzingwa igurukota muhofisi memutungamiri wenyika, a Amai Flora Bhuka, gurukota muhofisi yemutevedzeri wenyika, VaSlyvester Nguni, vammwe vatevedzeri vemakurukota vakadzingwa ndi Amai Petronella Kagonye, VaTendai Savanhu, VaTongai Muzenda uye Dr Paul Chimedza. Vanhu ava vanonzi vari kutsigira vakadzingwa basa rekuvamutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru.
Munyori wedare remakurukota, VaMisheck Sibanda, vanoti vakadzingwa ava vainge vakundikana kuita basa ravo nemazvo uye vari kubatana nevamwe vakadzingwa svondo rapera vanosanganisa vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Joice Mujuru.
Vanhu vakawanda vainge vashamisika kuti VaChasi vainge vapunyuka nepasaka reshumba sei pakadzingwa makurukota aya sezvo mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vakavapomera mhosva yekudzivisa mhuri yaVaMugabe kutora purazi reManzou kuMazowe, kuMashonaland Central.
Amai Mugabe vakati VaChasi vainge vachifambawo vachiita makuhwa. Asi VaChasi vari kuramba nyaya dzose idzi.