Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Vanoti Havasi Kuzobuda muZanu-PF


Amai Joice Mujuru.
Amai Joice Mujuru.

Vakadzingwa basa semutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vanoti havasi kuzobuda mubato kunyange hazvo vamwe mubato iri vari kuti vadzingwe.

Amai Mujuru vari kupomerwa mhosva yehuori nekutadza basa. Asi vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa idzi.

Amai Mujuru vanoti mumusangano meZanu-PF mapindwa napongwe uye vakamboyedza kuyambira vamwe vavo asi hapana akada kuvateerera.

Asi Amai Mujuru vanoti havangadome vanhu vavanoti vainge vorwisa bato nechemukati.

Amai Mujuru vakadzingwa mubato iri pamwe nemamwe makurukota ehurumende anosvika masere uye mutevedzeri wegurukota mumwe chete.

Makurukota akadzingwa aya anoti vaiva gurukota muhofisi yaVaMugabe, VaDidymus Mutasa, vaiva gurukota rezvevashandi, VaNicholas Goche, vaiva gurukota rezvevechidiki, VaFrancis Nhema, vaiva gurukota rezvemhando dzemmhando dzemoto, VaDzikamayi Mavhaire, nemutevedzeri wavo VaMunancho Mutezo, vaive gurukota rezvedunhu reMashonaland East, VaSimbarashe Mudarikwa, vaiva gurukota rezvedzidzo yepamusoro, Amai Olivia Muchena, uye gurukota rezvehumhizha mukuburitswa kwemashoko, VaWebster Shamu.

Amai Mujuru vanoti neMugovera vakakwazisana nevakuru vemauto nekuti hapana ropa rakaipa pakati pavo nevakuru ava sezvo vainge vari muhondo vose.

Amai Mujuru ndivo mutevedzeri wemutungamiri wenyika wekutanga kudzingwa muhofisi. Vamwe vana vakafira muhofisi, vanoti VaJoshua Nkomo, Va Simon Muzenda, VaJpseph Msika naVaJohn Nkomo.

Hurukuro naAmai Joice Mujuru
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG