Central Committee yeZanu-PF yasangana neChitatu yadzinga zvachose mubato vaimbove mutauriri webato iri, VaRugare Gumbo.
VaGumbo vakanga vambomiswa mubato kwemakore mashanu.
Musangano uyu unonzi wazeyawo kuvandudzwa kwebumbiro remutemo kuitira kuti mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, vatenderwe kudoma vatevedzeri vavo vaviri uye sachigaro webato.
Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti mutemo unosungira kuti mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato ave munhukadzi wabviswawo.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri webato pari zvino, VaSimon Khaya Moyo, kuti tinzwe kuti nyaya yekuvandudzwa kwebumbiro yafamba seyi.
Izvi zvinoreva kuti panotanga kongiresi zviri pamutemo, inotarisirwa kutanga nekutambira kuvandudzwa kwebumbiro.
Asi VaGumbo vanoti zvose zviri kuitwa izvi muZanu PF hazvisi pamutemo.
VaGumbo nevamwe vari kupikisa zviri kuitika mubato vanoti pasi peSection 253 yeZanu-PF, Central Committee ndiyo inovandudza mitemo yebato, kwete zvekuti izvi zviitwe nemakomiti ematunhu.
Vanotiwo chiziviso chekuda kuvandudza bumbiro chinofanira kuitwa paine mwedzi mitatu kuitira kuti zvinhu zviitwe paine nguva.
Vamwe vasiri kutambira zviri kuitwa mubato vanoti zvinhu zviri kungoitwa zvechimbi chimbi zvisiri pamutemo.
Vamwe vakaita saVaTemba Mliswa, avo vakabviswa kuva sachigaro kuMashonaland West, vanotiwo vakabviswa zvisiri pamutemo.
VaMliswa vanoti vechidiki nevakarwa hondo ndivo vakashandiswa kuvabvisa kunyange zvisiri mubumbiro remitemo webato.
VaMliswa vanoti Article 29 section 251 inoti hutungamiri hwedunhu, Provincial Executive, ndiho hune masimba ekumisa munhu basa mubato.
Asi vanotsigira zviri kuitwa vanoti hapana chitsva nekuti muna 2004 vanhu vave kuchema iko zvino vakangoitawo zvimwe chetezvo pakakwidziridzwa Amai Joice Mujuru kuti vave mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato.
Asi vamwe mubato iri vanoti pakakwidziridzwa Amai Mujuru pakaitwa pachitevedzwa chisungo chakanga chaitwa nekongiresi yainge yapfuura chokuti mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato, ange ari munhukadzi.
VaGumbo vanoti havatambire zvava kuitwa naVaMugabe zvekuda kudoma vatungamiri nekuti handizvo zvakarwira vana veZimbabwe rusununguko.
Vakawanda vanoti vari kuona sekunge VaMugabe vachadoma gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, semumwe wevatevedzeri vavo.
Chinzvimbo chemumwe mutevedzeri wemutungamiri webato chinogona kuenda kuchero nhengo yebato yakabva ku Zapu pakabatana mapato maviri aya kunyange hazvo vamwe vachiti kubatana uku hakuchina basa mumakore ano.
VaMnangagwa nechikwata chavo vanonzi vanga vachirwira masimba nechikwata chinonzi chiri kutsigira Amai Mujuru.
Asi nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti nemamiriro akaita zvinhu muZanu PF pari zvino, zvinhu zvava kuratidza kuti chikwata chekwa Amai Mujuru chava zambuko rakukurwa nemvura.