Dunhu reMashonaland Central rasiya mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vari pamhene zvichitevera kusadomwa kwavo kuti vapinde muCentral Committee yeZanu-PF musarudzo dzaitwa neChipiri mudunhu iri.
Magwaro a Amai Mujuru ekuti vapinde musarudzo anonzi aramba kutambirwa sezvo humwe hutungamiri hwedunhu iri hwati vanhu vose vari kupomerwa mhosva dzekuda kubvisa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pachigaro nechisimba havasi kuzotambirwa kuti vamirire dunhu iri muCentral Committee.
Izvi zvikatambirwa ne Politiburo yebato zvinoreva kuti ndiyo inenge yava sarungano ya Amai Mujuru munyaya dzezvematongerwo enyika mubato iri.
Kunyange hazvo Amai Mujuru vari kupomerwa mhosva dzinonzi neveruzhinji dzekutsvagirwa uye dzisipo, mapurisa haasati abuda pachena kuti achavaferefeta here kana kuti kwete.
Gurukota rezvevechidiki nekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaFrancis Nhema, vanonziwo vakundikanawo kupinda muCentral cCmmittee mushure mekukundwa musarudzo dzaiitwa kuMidlands Province neChipiri.
VaNhema vanonzi vari kutsigiri Amai Mujuru muhondo yekurwira masimba iri kuitika muZanu PF. Chikwata chiri kurwisa Amai Mujuru chinonzi chiri kutungamirwa negurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa.
Makurukota ehurumende gumi anonzi anotsigira Amai Mujuru anonzi akatarisira kuburiswa muCentral Committee nevanonzi vatsigiri vaVaMnangagwa.
Vari kuziva zviri kuitika muZanu PF vanoti VaMnangagwa vari kushanda negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, mukubvisa vose vari kutsigira Amai Mujuru kuitira kuti VaMnangagwa vawane rutsigiro rwekuzotora masimba kana mutungamiri webato, VaRobert Mugabe, vasiya chigaro chavo.
VaMoyo, avo vanova nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, ndivo vanonzi vari kuronga tsoro muchivande yekubvisa Amai Mujuru pachigaro chavanacho mubato.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaMoyo, VaMnangagwa pamwe naAmai Mujuru pane zviri kuitika mubato riri kutonga iro ratarisana nekomgiresi mwedzi unouya.
Munyori anoona nezvemutemo muZanu-PF Youth League, VaTongai Kasukuwere, vanoti zvave kuPolitiburo kudzora kana kusadzora Amai Mujuru muCentral Commitee nekuti dunhu ravo ratora matanho pavari.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru we Media Centre, VaErnest Mudzengi, vanoti vanotsigira VaMnangagwa vari kubudirira kusiya Amai Mujuru vasina simba mubato.
Zanu PF iri kutarisirwa kuvandudza bumbiro kuitira kuti VaMugabe vave nemasimba ekudoma vanhu vavanoshanda navo mubato.