Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kuVienna Austria kumusangano weUnited Nations.
Musangano weku Vienna ndewenyika dzisina magungwa anoshandiswa mukutengeserana nedzimwe nyika kana kuti “land locked countries”.
Vachitaura pamusangano uyu neMuvhuro, VaMugabe vakurudzira nyika dzemu SADC kuti dzibatane mukutengeserana.
Vapawo ruremekedzo rukuru kumutungamiri weZambia, VaMichael Sata, avo vakashaya svondo rapera muLondon, kuBritain.
Asi VaMugabe vachingosimuka kubva muHarare neSvondo, nhengo dzebato ravo dzakarwisana kuMasvingo pakati pevanonzi vari kutsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, nevanonzi vari kutsigira gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa.
Kunetsana kuMasvingo kwaunzwa nekuti vanonzi vanotsigira VaMnangagwa vari kuda kuti sachigaro weMasvingo, Retired Brigadier General Callisto Gwanetsa, avo vanonzi vari kudivi raAmai Mujuru, vabviswe pachigaro.
KuMashonaland West sachigaro wevechidiki mudunhu iri, VaVengesai Musengi, vamiswawo basa vachipomerwa mhosva yekusafambisa mari zvakanaka. VaVengesai vanonzi vari kudivi raVaMnangagwa.
KuManicaland vanhu vakanetsanawo mushure mekunge vamwe vanonzi vari kutsigira Amai Mujuru varatidzira vachiti havasi kufara nemukuru weWomens Assembly, Muzvare Oppah Muchinguri, avo vanonzi vaunza kusabatana mudunhu iri.
Asi vanotsigira Muzvare Muchinguri vanoti vanhu ava vainge vatengwa.
Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu-PF, VaDidymus Mutasa, vaudza Studio7 kuti havana chekutaura nezvenyaya iyi.
Nekune rimwe divi mapepanhau eHerald neSunday Mail, ayo anonzi ari kushandiswa negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, vanonzi vari kudivi raVaMnangagwa, ari kuenderera mberi achishora vanofungidzirwa kuti vanotsigira Amai Mujuru.
Hatina kukwanisa kubata vakuru veHerald kuti titaure nezvenyaya iyi.
Vamwe vabatwa batwa neHerald ndiAmai Mujuru, mutauriri webato, VaRugare Gumbo, uye sachigaro weMashonaland East, VaRay Kaukonde.
Sachigaro wesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaJabulani Sibanda, vanonziwo nevamwe vanofanira kusiya basa. Vari kuvakurudzira kusiya basa ndevaya vari kutsigira VaMnangagwa.
Hatina kukwanisa kubata VaGumbo avo vati vange vari mumusangano wakakosha zvikuru.
Asi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda nesangano reLiberal Market Solutions, VaRejoice Ngwenya, vanoti kunetsana kuri kunyanya nekuti VaMugabe havachakwanise kugadzirisa matambudziko asangana nebato.