Mubato reMDC-T maita kusawirirana kunotyisa mushure mehurongwa hwekuyedza kuvandudza bumbiro remitemo rebato vamwe vachikurudzira kuti mutungamiri webato apihwe masimba akawandisa.
Nyaya yekukandirana makobvu nematete uye kusanzwisisana yapa kuti mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, vaburitse mashoko vachiti semutungamiri webato pari zvino, havasi kuzorega kuvandudzwa kwebumbiro kuchisiya mutungamiri webato aine masimba ose sezvinoitwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vati vanoita zvehumbimbindoga.
Asi mashoko aya haasi kudzimura kunetsana kwapinda mubato. Vamwe vanoti chigaro chemunyori mukuru webato chine masimba akawandisa nekudaro chinofanira kutorerwa mamwe masimba aya.
Vamwe vanoti vanoda kuti Standing Committee yebato ibviswe zvekare sezvo ichivhiringidza mukuru webato mukutonga.
Vamwe vari kuda kuti zvigaro zvitanhatu chete zvikwikwidzwe kukongiresi zvinoti chemutungamiri webato, mutevedzeri wake, sachigaro, mutevedzeri wake, kwoti sachigaro wemadzimai nevechidiki.
Vamwe vari kuda kuti mutungamiri webato adome munyori mukuru webato, anoronga mabasa neanoona nezvekuburitswa kwemashoko.
Vamwe vanoti bato ngaritore zvakawanda kubva kubumbiro remitemo reAfrican National Congress yekuSouth Africa iyo ine munyori mukuru anoshandira bato asingapinde muhurumende.
Kune chimwewo chikwata chinoti chiri kuda vatevedzeri wemutungamiri webato vaviri sezvinodiwa nebumbiro renyika.
Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vanoti VaTsvangirai vacharemekedza zvido zvevanhu.