Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa Voramba Kutambira Kurudziro yeMapurisa Kuti Vasaratidzire neChitatu


Hurumende yakati vanotengesera mumigwagwa mumaguta vange vabuda panopera musi wa26 Chikumi
Hurumende yakati vanotengesera mumigwagwa mumaguta vange vabuda panopera musi wa26 Chikumi

Mapurisa emuHarare anonzi neMuvhuro ati haana mapurisa akakwana anokwanisa kuchengetedza kufora kwakarongwa nemusi weChitatu svondo rino nesangano revanotengesa mumigwagwa reNational Vendors Union Zimbabwe, NAVUZ, rakabatana nemasangano ari pasi peCrisis in Zimbabwe Coalition.

Zvinonzi mapurisa atiwo ane humbowo hwekuti kufora uku kwapindirwa nevezvematongerwo enyika.

Mutungamiri weNAVUZ, VaSamuel Wadzayi, vanoti vasangana nemukuru wemapurisa kudivi rePolice Internal Security and Intelligence (PISI), akavazivisa kuti mapurisa haakwanisi kuvachengetedza pavanenge vachifora.

Sangano reNAVUZ rakanga ranyorera kumapurisa richivazivisa kuti nhengo dzaro dzichafora kuenda kuparamende uko dzichanosiya gwaro renyunyuto pamusoro pehurongwa hwehurumende hwekuti vanotengesa ava vange vabuda mukati memaguta panopera musi wa 26 Chikumi.

Asi VaWadzayi vanoti vachaenderera mberi nehurongwa hwavo, sezvo mapurisa asina simba rekuvarambidza kufora uku, pasi pebumbiro remitemo yenyika.

“Hapana chakanyorwa nemapurisa chekuratidza kuti vamisa kufora kwedu,” vanodaro VaWadzayi. “Ini ndatokumbira kuti vatipe pavakanyora kuti havasi kukwanisa kutibatsira asi hapana chandawana.”

Studio7 yakundikana kunzwa kubva kumapurisa pamusoro penyaya iyi.

Zvichakadaro, masangano anomirira vanorarama nekuzvishandira pamwe nevanotengesa mumigwagwa anodarika mashanu asangana nameya weguta reBulawayo, VaMartin Moyo, vachionesana pamusoro pehurongwa hwehurumende hwekuti ichaenderera mberi nekubvisa vanotengesera mumigwagwa.

Musangano uyu unonzi hauna zvikuru zvawasunga sezvo VaMoyo vanzi vati chavo ivo kungozadzisa zviri kudiwa nehurumende, havagoni kuzvipikisa.

Asi mukuru werimwe remasangano apinda mumusangano uyu reZimbabwe Informal Sector’s Organization, ZISO, VaPromise Mkwananzi, vanoti vemasangano varamba kutambira danho iri vachiti hurumende yaifanirwa kuvapa chiziviso chemwedzi mitatu.

VaMkwananzi vanoti vave mushishi kunyorera tsamba gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaIgnatius Chombo vachivakurudzira kuti varase pfungwa yavo iyi.

"Tiri kuti kuna VaChombo, ngapave nemukana wekutaurirana, wekuti tigare pasi totsvaga nzira dzekuti tingagadzirise sei dambudziko rekuramba vanotengesa ava vopinda mukati memaguta," vadaro VaMkwananzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG