Accessibility links

Breaking News

Zvakabuda Mubvunzo dze "O" Level Zvokonzera Mutauro

Zimsec inoti huwandu hwevakabudirira hwakakwira nezvikamu gumi kubva muzana
Zimsec inoti huwandu hwevakabudirira hwakakwira nezvikamu gumi kubva muzana

Rimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti hariwirirane neongororo yakaburitswa neMuvhuro neboka rinoona nezvebvunzo munyika, reZimbabwe School Examination Council, ZIMSEC, pamusoro pebvunzo dze “O” Level dzakanyorwa gore rapera.

Gwaro rakaburitswa neZIMSEC rinoratidza kuti chikoro chevasikana cheMonte Casino chiri mudunhu reMashonaland East ndicho chine vana vakabudirira zvakanyanya mubvunzo dze “O” level nezvikamu zana kubva muzana.

Chikoro ichi chinoteverwa nechimwezve chikoro chevasikana cheKriste Mambo chiri mudunhu reManicaland chakaita zvikamu makumi mapfumbamwe nezvisere kubva muzana.

Zvikoro izvi ndizvo zvakare zvakatora mukombe wevana vanogona zvakanyanya mubvunzo dza2013 dzakaburitswa gore rapera.

Zvimwe zvikoro zvakakwanisa kupinda mugumi zvepamusorosoro zvinoti Nyanga High School, St Dominics Chishawasha Secondary, St Davids Bonda, Zimbabwe Republic Police, St Ignatius College, Anderson Secondary School, Regina Mundi Secondary neKnowstics Academy.

Zvikoro zviri mumatunhu eMatabeleland zvinonzi ndizvo zvakadzikira pane zvimwe zvose.

ZIMSEC inoti huwandu hwevana vakabudirira mubvunzo hwakakwira nezvikamu gumi kubva muzana zvichienzaniswa negore rapera.

Asi mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti zvikoro zvinonzi zvakagona kudzidzisa zvemhando yepamusorosoro izvi zvinenge zvakatora vana vane mapoinzi mana paGrade 7.

Vanoti saka kana zvichitora ruwomba chete hapana nzira ingaonekwa nayo kuti zvinogona kudzidzisa here kana kuti kwete.

Doctor Zhou vanoti mune remangwana ZIMSEC inofanirwa kutsvaga nzira dzinoita kuti patariswewo zvikoro zvakatora vana vakanga vasina kubudirira zvakanaka paGrade 7, zvochitariswa kuti vakazobudirira sei pa “O” Level.

Vanokurudzirawo kuti boka rebvunzo iri rishandewo nemadzisahwira ane chekuita nedzidzo mukuita ongororo iyi, kwete kuti rizvirovere maoko pabasa raro, sezvo paine vamwe vanoona serinotadza basa, zvikuru pachitariswa kurasika kunowanzoita mapepa ebvunzo nezvimwe zvakadaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG