Vamwe vaimbi vechidiki vanogara mumusha weTorwood mudhorobha reRedcliff vave kuita mukurumbira nekuda kwekuimba nezvematambudziko akatarisana nevagari vemunzvimbo iyi nenyaya yekusashanda kwekambani yeNewZimsteel iyo yaimboziikanwa ichinzi Zisco.
Vamwe vanhu vakawanda, kunyanya vechikuru, vanoshora mumhanzi wemazuvano wemusambo unozivikanwa kunzi urban grooves vachiti hauna hudzamu kana kuti hauna dzidziso yaunopa kune vechidiki vanoufarira.
Asi vamwe vakomana vaviri vanoimba musambo uyu vachigara mumusha weveruzhinji weTorwood mudhorobha reRedcliff vari kufarirwa zvikuru nevechidiki pamwe nevakuru mushure mekunge vatsikisa nziyo dzemusambo we urban grooves kutanga kwegore rino.
Sevamwe vaimbi vechidiki, John Charlie, uyo ane makore makumi maviri nerimwe ekuberekwa, nemumwe wake Kudakwashe Maenzanise, ane makore gumi nemasere, vanoimba dzimbo dzemafaro.
Asi kamwe kambo kevakomana vaviri ava, vanozvideedza kuti Firehouse Family, kanonzi "Zisco maIndia" ndiko kaita kuti vafarirwe neveruzhinji muRedcliff nedzimwe nzvimbo dziri pedyo.
Kambo aka kanotaura nezvekusafara kwevanhu nekusashanda kwekambani yeNewZimsteel iyo yaimbonzi Zisco.
John, uyo akaberekerwa muTorwood akakurira imomo akadzidzawo munzvimbo imwe chete kusvika Form 4, anoti chakavapa shungu dzekuti vatsikise kambo "Zisco maIndia" inyaya yekuti veruzhinji vemuTorwood vaiwana raramo yavo kubva kukambani iyi zvichireva kuti kusashanda kwayo kwave kuita kuti vanhu vatambure.
John anoti kusashanda kweNewZimsteel kunobatawo vechidiki vakaita saiye sezvo vazhinji vavo vave kusiira zvidzidzo panzira kana kutadza kuenderera mberi kana vabuda zvakanaka nekuda kwekuti vabereki vavo havana mari.
Tatenda Ndaba, uyo ane makore gumi nemasere ekuberekwa uye ari shamwari yevakomana veFirehouse Family, ndemumwe wevechidiki vakatadza kuenderera mberi nechikoro mushure mekunge abudirira pazvidzidzo zvake zveForm 4 nekuda kwekushaya mari.
Tatenda anotsinhira kuti kusashanda kwekambani yeNewZimsteel kuri kubatawo vechidiki.
VaVincent Masiyiwa mushandi weNewZimsteel variwo kanzura mukanzuru yeRedcliff.
VaMasiyiwa, avo vaimbovewo mumwe wevamiriri vevashandi vanotsinhirawo kutambura kwevagari wemuTorwood vachiti kambo kechikwata cheFirehouse Family kanonyatsoburitsa mamiriro ezvinhu muTorwood.
Vanotiwo chinonyanyorwadza ndechekuti hurumende pamwe nevakuru vakuru veNewZimsteel havazi kubuda pachena kuti chii chiri kuitika.
Mugore ra2011, hurumende yakanyorerana chibvumirano nekambani yekuIndia yeEssar Africa Holdings hurumende ichitengesa chikamu chemasheya ayo akawanda aive mukambani yeZisco izvo zvakaita kuti kambani iyi izonzi NewZimsteel.
Kambani yeZisco, iyo yaive yamira kushanda mugore ra2008, ndiyo yaive kambani huru yaigadzira simbi kuchamhembe kweAfrica.
Kuuya kwakaita vekambani yeEssar kwaive kwapa vashandi tariro yekuti zvinhu zvaive zvava kuzofamba zvakanaka asi pari zvino tariro iyi hapachina sezvo pasina chati chatanga kufamba nekuda kwenyaya yekuti hurumende haisati yapedza zvimwe zvinodiwa kuti kambani yeNewZimsteel itange kushanda.
Mumwe mugari wemuTorwood, Amai Elizabeth Tembo, avo vanorarama nekutenga nekutengesa zvinhu vanoti bhizimisi rekutenga nekutengesa zvinhu iri harizi kunyatsofamba nekuti vanhu vemunzvimbo iyi havana mari.
Mumwezve mugari, avo vakangozvidoma nezita rekuti Amai Moyo vanoti vamwe vagari vange vave kutsvaga raramo nekutengesa marasha aishandiswa pakugadzirwa kwesimbi muNewZimsteel asi izvi zvakamiswa sezvo pave nemasoja ave kuchengetedza marasha aya.
Pari zvino chikwata cheFirehouse Family chatsikisa dzimbo ina kusanganisira kamwe kambo kanonzi "Dhe nhanha dhe" ako kanokurudzira kuti kunyange ukasangana nematambudziko, munhu unofanirwa kuramba uchishingirira kuti ugobudirira muhupenyu.
Mutsikisi, kana kuti producer weFirehouse Family Chrisdonald "Tripple Beez" Shato, uyo anogarawo muTorwood mekare, anochemawo nerekuti iye nevamwe vake havazi kubudirira sezvavanofanirwa kuita nekuda kwekuti vari kugara munzvimbo isina mari.
John anotsinhirawo maonero aya achiti kunyange chikwata chake chine hurongwa hwekutsikisa dzimwe dzimbo dzakawanda, nyaya yekushaikwa kwemari ndiyo inogona kuvadzorera kumashure.
Vagari vemuTorwood kusanganisira vaimbi veFirehouse Family vane shuviro yekuti dai hurumende yanzwa kuchema kwavo yaita kuti kambani yeNewZimsteel itange kushanda nekukasika kuitira kuti hupenyu hwavo hutange kufamba zvakanaka zvekare.
Kusvika izvi zvaitika, vagari vachagara vachipedza shungu dzavo nekuteerera nzimbo dzevakomana ava.