Masangano anoshanda akazvimirira oga mudunhu reManicaland anoti anotambira nemufaro mukuru mashoko egurukota rinoona nezvemudunhu iri, Muzvare Mandiitawani Chimene, ekuti vashande vose zvakanaka pasina kufungirana mweya yakaipa.
Musangano waitwa neMuvhuro maMutare uyu pakati pehofisi yaMuzvare Chimene nevemasangano akazvimirira oga wange une chinangwa chekuzivisana uye nekuziva mabasa anoitwa nemasangano aya pamwe nematunhu aanoshandira.
Vamiriri vemasangano anoshanda akazvimiria anopfuura makumi mashanu apinda mumusangano uyu uyo waitirwa pamuzinda wemahofisi ehurumende.
Mukuru wesangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa nezvakatikomberedza musangano reCentre for Natural Resources Governance, VaFarai Maguwu, vanoti musangano waitwa uyu wakakosha zvikuru sezvo zvichipa chivimbo chekuti vachadyidzana munezvizhinji. VaMaguwu vanoti chasara panyaya iyi kuzadzikisa zvawiriranwa kuti vaite zvekuramba vachishanda pamwe chete nenzira isina kufungirana.
VaShepherd Mutsiyo vanoshanda nesangano rinobatsira vekumaruwa nemari yekutanga mabasa anopa chouviri, Kufusa Mari. VaMutsiyo vanoti mashoko aMuzvare Chimene anoumba chete kana kutaura kukazadziswa nekuita zvinenge zvavimbiswa.
Vanoti vanofara zvakare nemashoko avo ekuti vachashanda navose zvisinei kuti masangano aya ndeekunyika ipi.
Muzvare Chimene vaudza musangano uyu kuti hofisi yavo haineyi nekuti masangano achange achishandira mudunhu mavo anobva kunyika dzekumadokero here kana kuti kwete sezvo chakakosha kuri kubatsira vanhu vemuZimbabwe.
Muzvare Chimene vayambira vemasangano aya kuti vasaite zvematongerwo enyika mukubata basa ravo muManicaland sezvo kuita uku kuchizopa kuti vazopokane.
Mashoko aMuzvare Chimene aya anosiyana zvikuru nemashoko avakataura masvondo maviri apfura pamusangano wavo nevakuru vemakambani anochera zviwanikwa apo vakatsiura vemakambani aya kuti vasapinze basa nhengo dzebato reMDC.
Pamusangano iwoyu, Muzvare Chimene vakakurudzira makambani aya kupinza mumabasa nhengo dzeZanu chete.
Nguva zhinji masangano akazvimirira oga anogara akatosvorana nehurumende yaVaRobert Mugabe, masangano aya achipomerwa mhosva yekuita zvematongerwo enyika nekutsigira bato re MDC.
Makore mashoma apfuura, gavhuna weMasvingo panguva iyi, VaJustin Maluleke, vakatyisidzira nekuvhara masangano aya vachiapomera mhosva yekushanda neMDC mukuedza kubvisa hurumende pachigaro.