Zimbabwe yacherechedza zuva remauto neChipiri re National Defences Forces Day pahurongwa hwaitirwa ku National Sports Stadium.
Vachitaura pahurongwa uhu, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vati Zimbabwe inotenda zvikuru Pakistan iyo iri kubatsira zvikuru mukudzidzisa mauto emunyika.
VaMugabe vati mauto ekuPakistan ari kudzidzisa mauto emu Zimbabwe pazvidzidzo zviri kuitirwa paNational Defence College pamwe nekuThornhill Air Base.
VaMugabe varumbidza mabasa ari kuitwa nemauto emunyika vachiti mauto aya ari kuitawo basa rinodadisa kunze kwenyika. Vatiwo mauto emunyika akatumirwa ku Lesotho zvichitevera kusagadzikana kwainge kaitika munyika iyi.
VaMugabe vatiwo chikoro che National Defence College chichavandudzwa kuti chive chikoro chepamusoro soro gore rino risati rapera hurongwa hwezuva rwacherechedzwawo mumatunhu ose ari munyika, makurukota anomirira matunhu achiverenga mashoko aVa Mugabe.
Mudunhu reMashonaland West, mashoko aVa Mugabe averengwa negurukota redunhu iri, Va Faber Chidarikire.
Vagari vakawanda muChinhoyi vanoti hapana chekupemberera sezvo vanhu vakawanda vasiri kufara nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi, pamwe nekutyorwa kwekodzero dzavo kunoitwa nemauto.