Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vovhura Musangano weSADC Vachibvuma Kuti Vanhu Vari Kutambura muSADC


Zimbabwe's President Robert Mugabe listens to speakers at the 34th Southern African Development Conference (SADC) summit in Victoria Falls August 17, 2014. Mugabe on Sunday urged southern Africa to reduce its dependence on foreign aid and to make better u
Zimbabwe's President Robert Mugabe listens to speakers at the 34th Southern African Development Conference (SADC) summit in Victoria Falls August 17, 2014. Mugabe on Sunday urged southern Africa to reduce its dependence on foreign aid and to make better u

Sangano renyika dziri kuchamhembe kweAfrica re SADC rinoti vanhu vazhinji vari munyika dziri pasi pesangano iri vari kutambura kunyange hazvo nyika idzi dzine zvinhu zvinokosha zvinotengeswa kudzimwe nyika pasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi zvabuda pamusangano wevatungamiri venyika dziri musangano iriuyo waitwa neChitatu mu Harare.

Vachivhura zviri pamutemo musangano uyu, sachigaro weSADC uye vari mutungamiri weZimbabwe, Va Robert Mugabe, vati zvakakosha kuti patsvagwe nzira dzinosimudzira maindasitiri emunyika dziri mu SADC kuitira kuti hukoshwa huri muSADC hutengeswe kune dzimwe nyika hwave nehuremu.

Va Mugabe vati kutengesa zviwanikwa zviri mudunhu reSADC zvisina kuwedzwerwa huremu hwazvo kuri kukonzera kuti nyika dziri mu SADC dzirasikirwe nemari yakawanda zvikuru.

VaMugabe vatiwo nyika dziri muSADC dziri kutengesa zvinhu zvakawanda zvisina kuwedzerwa huremu kunyika dziri ku Asia neku Europe asi idzo nyika dziri muSADC dzichitenga zvinhu zvishoma kubva ku Asia neku Europe.

Va Mugabe vakurudzira kuti maindasitiri avandudzwe kuitira kuti zviwanikwa zvitengeswe zvawedzerwa huremu.

Vachitaurawo pamusangano uyu, munyori weSADC, Amai Stergomena Lawrence Tax, vati kuvandudzwa kwemaindasitiri ari muSADC kuchasimbaradza hupfumi mudunhu re SADC zvichaita kuti mabasa awande.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vari mutungamiri wesangano reZimbabwe Economics Society, Va Levy Kadenge, vati hurumende dzemu SADC dzinofanira kuita zvinhu zvinoita kuti vekunze vane mari vagokwanisa kusima mari dzavo mudunhu reSADC kuitira kuti maindasitiri asimukire.

Va Kadenge vatiwo musangano uyu wanga uchifanira kutarisa nyaya dzehurombo huri munyika dziri muSADC kubudikidza nekugadzirisa zviri kukonzera kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo.

Pachapera musangano weSADC uyu manheru anhasi, vatungamiri veSADC vakatarisirwa kunyorerana chibvumirano chakanangana nekumutsiridzwa kwemaindasitiri.

Vatungamiri vadzimwe nyika vari kupinda musangano weSADC kekutanga kubva pavakasarudzwa kunyika dzavo ndevanoti Va Edgar Lungu veku Zambia,Va Filipe Nyusi veku Mozambique, Va Hage Geingob veku Namibia pamwe naVa Pakalitha Mosisili veku Lesotho.

Musangano we SADC Extra Ordinary Summituyu, uyo wanga une dingindira rekuti “Regional Strategy and Roadmap for Industrialization, waitwa vatungamiri veSADC ava vakakombwa nemapurisa anorwisana nemvongamupopoto mushure mekunge vatsigiri ve MDC-T vakaratidzira nezuro vachiti havasi kufara nehutongo hwaVa Mugabe pamwe nekusamira zvakanaka kwaita zvinhu munyika.

Vamwewo vataura neStudio7 vanoti hurumende yeZimbabwe yakagadzira migwagwa iri kufamba nevatungamiri veSADC ava chete senzira yekuda kuti vatungamiri ava vaone sekunge zvinhu zvese zvakanaka munyika.

XS
SM
MD
LG