Accessibility links

Breaking News

Nyaya yaVaMugabe Yekuti AU Ibude muUN Yokonzera Mutauro


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakadzoka munyika nemusi weSvondo kubva kumusangano we African Union uko mashoko avo ekuti United Nations Security Council ivandudzwe kana kuti Africa yobuda zvayo okonzera mutauro munyika nekunze.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakadzoka munyika nemusi weSvondo kubva kumusangano we African Union kuAddis Ababa, Ethiopia uko mashoko avo ekuti United Nations Security Council ivandudzwe kana kuti Africa yobuda zvayo okonzera mutauro munyika nekunze.

VaMugabe, avo vakasiya chigaro chehusachigaro weAfrican Union neMugovera vakati United Nations inofanira kuvandudzwa kana kuti nyika dzose dzemuAfrica dzinogona hadzo kubuda mugugangano iri.

United Nations yakaumbwa muna 1945 uye nyika shanu, Britain, France, Russia, America neChina ndidzo dzine masimba kudarika dzimwe nyika dzose izvo zvonzi nenyika dzemuAfrica neAsia zvinofanira kuvandudzwa.

Nhengo yedare reparamende inomirira Zanu-PF kuMakonde, VaKindness Paradza, vanoti VaMugabe vakabaya dede nemukanwa.

Asi mutauriri webato rinopikisa reMDC-T, VaObert Gutu, vanoti VaMugabe vanofanira kutanga vagadzirisa zvinhu muZimbabwe vasati vaenda kunze kunorova bembera.

Asi sachigaro weZanu-PF kuBritain, VaNick Mangwana, vanoti pasi rose rakafarira zvakanyanya mashoko aVaMugabe.

Asi VaGutu vanoti vanhu ava vaitoshamisika nemashoko akadai kubva kumunhu mukuru akaita saVaMugabe.

Asi VaMangwana vanoti vanhu vakawanda vaifara zvikuru nekuti VaMugabe havana kurova imbwa vakaviga mupini

Nyanzvi munyaya dzezvematongwerwo enyika vari chipangamazano musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kweAfrica, VaJoy Mabenge, vanoti VaMugabe vaifanira kunge vakataura mashoko aya musi wavakatora nyanga kuau kwete kuda kusiira vamwe mutoro.

VaMabenge vanotiwo vamugabe havafanira kuzviita kunge ndivo vega vari kutaura nezvenyaya iyi sezvo nyika dzose dzichiri kubudirira dzagara dzichitaura nezvenyaya iyi.

VaGutu vanotsinhirawo VaMabenge vachiti chimwe chikuru chinofanira kuitwa naVaMugabe kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika kusanganisira nyaya yehupfumi husina kumira zvakanka uye nzara yapfunya chisero munyika.

Vanoongorora nyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika uye vaimboshanda kumuzinda weZimbabwe kuEthiopia, VaClifford Mashiri, vanotiwo mashoko aVaMugabe ndeekuda kuzvitutumadza chete kune dzimwe nyika asi ivo vachitonga nedemo muZimbabwe.

Mutungamiri wenyika yeChad, VaIdriss Deby, ndivo vave sachigaro weAfrican Union, uye vachange vari panyanga kwemwedzi gumi nemiviri. Vatungamiri veAU vanochinjana kuita sachigaro wesangano iri mushure megore.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG