Manyakare panguva dzakadai dzegore kumaruwa chinenge chiri chipata pata vagari veko vachigadzirira kupemberera kusvika kwekisimusi negore idzva.
Waiona vana sorojena vakabata matemo avo vakananga musango kunotema matanda ehuni dzinozoshandiswa nanambuya vachibika doro rechikaranga rinozonwiwa pazororo guru repagore.
Asi mazuva ano izvi angove matakadya kare asinganyaradzi mwana.
Vagari vekuMasvingo vakawanda vanoti nekuoma kwakaita hupenyu, pazororo regore rino vanenge vasina chekubata sezvo nzara yadzika midzi mudunhu ravo.
Mumwe wevanhu ava, Amai Tsungirirai Goto ve kwaBhasera kwa Gutu, vanoti ivo havana chavontarisira chinofadza pakisimisi uye gore ravadongorera vanotarisira kuti zvinhu zvinogona kushata kana mvura ikasanaya.
Vamwe vagari vanoti kushaikwa kwemvura nenyaya yehupfumi hwenyika hwaondomoka zviri kuita kuti hupenyu hwavo huomesese. Va Gabriel Matora veku Jerera ku Zaka vanoti ivo hachina kana tarisiro yekuti hupenyu hwavo huchanaka rimwe zuva.
Vechidiki vachangoroora vanoti kutambura kuri kuita vechidiki maruwa kwava kusiya vazhinji vavo vaputsirwa dzimba dzavo nekunetsana mumba nenyaya yekushaikwa kwechikafu.
Mumwe wevechidiki ava, VaTonderayi Mugadza, vanoti vechidiki vave kutopedzisira vava kumanikidzirwa kupara mhosva vachida kuriritira mhuri dzavo. Vanotiwo vamwe vazhinji vava kupesana nevadiwa vavo vachiita zvechipfambi kuti vararame apo kisimusi yasvika.
Vamwe vanoti zvinhu zvikaramba zvakadai zvichaita kuti vazhinji vabvise vana kuzvikoro kunyanya vanasikana avo vanozopedzisira varoodzwa vari vadiki kuti vabereki vavo vawane chikafu .
Mumwe mubereki anogara kuBikita, Chengetai Huruva, vanoti ramangwana revana vavo riri murima nekuti havana chekuvararamisa nacho .
Apo nyika yadongorera muzuva rekisimusi, vakawanda vanoti vava kuisa hupenyu hwavo kuna Nyadenga, kuitira kuti vapindire mumatambudziko avo avakatarisana nawo panyika, sezvo hurumende iri kukundikana kugadzirisa zvinhu munyika.