Vanoona nezvekurongwa kwemisangano muZanu PF, Va Savior Kasukuwere, vaita nhendeshure pachikumbiro chebato ravo mu Manicaland chekuti vaimbova munyori anowona nezvekufambiswa kwemabasa mubato iri, Va Didymas Mutasa, vadzingwe mumusangano.
Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo pa Zanu PF Headquarters muHarare, Va Kasukuwere varamba mashoko avakataura kwa Mutare neMuvhuro ekuti Va Mutasa havasi kuzondzingwa mubato zvichitevera kuramba kwavari kuita kucherechedza kongiresi yakaitwa muna Zvita.
VaKasukuwere vati bato ravo harisi kuzomira munzira yepurovhinzi yavo yeku Manicaland kana ichida kuti Va Mutasa vadzingwe.
Zvichakadai, Va Kasukuwere vati nhengo dzeparamende dziri kufungidzirwa kutsigira vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, hadzisi kuzodzingwawo muparamende vachiti hapana mhosva dziri pachena dzadziri kupomerwa.
Vati hapana humbowo hunokodzera kuti nhengo idzi dzidzingwe muparamende pamwe nemubato uye vati musangano wavo wakabatana zvikuru zvekuti vakatogadzirira kupinda musarudzo dzemuna 2018.
VaKasukuwere vatorawo mukana uyu kuzivisa kuti vagadzirira zvakakwana sebato kupinda musarudzo dzechipiri dzekutsvaga vamiriri ve Mt Darwin West pamwe neku Chirumanzu-Zibagwe.
VaKasukuwere vazivisawo kuti mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa, ndivo vachamirira bato musarudzo idzi ku Chirumanzu-Zibagwe.
Izvi zvinotevera kudomwa kwakaitwa Va Mnangagwa kuve mutevedzeri wemutungamiri wenyika pamwe nekubviswa kwakaitwa Amai Mujuru pachigaro avo vaimbova mumiriri we Mt Darwin muparamende.
Sarudzo dzekutsvaga vamiriri veChirumanzu-Zibagwe pamwe ne Mt Darwin West dzakatarisirwa kuitwa musi wa 27 Kurume.
Asi MDC Renewal Team inoti ingangoenda kumatare sezvo ichiti mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, havana kutevedzera mutemo pakubuda nezuva iri.
Nekune rumwe rutivi, MDC-T inoti haisi kuzokwikwidza musarudzo idzi ichiti hapana kuvandudzwa kwemitemo inobata mafambisirwo esarudzo zvinozoita kuti sarudzo idzi dziitwe zviri pachena.