Accessibility links

Breaking News

VaManyenyeni Voshanyira Varwere Muzvipatara Vachivapa Zvipo zveKisimusi


Bernard Manyenyeni
Bernard Manyenyeni

Meya veguta reHarare, Va Bernard Manyenyeni, nemudzimai wavo vashanyira neChitatu varwere kuzvipatara zvinoti Beatrice Road Infectious Diseases Hospital, Edith Opperman Maternity ne Wilkins Hospital uko vapa vanhu ava zvipo zvekisimusi zvichibva muhomwe yavo ye Mayor’s Christmas Cheer Fund.

VaManyenyeni vanoti shuwiro yavo ndeyekuti vanhu vese vemuguta reHarare vave nekisimusi yakanaka kunyange zvinhu zvakaoma munyika pari zvino.

Gore rega rega kanzuru inoshandisa chirongwa chehomwe yameya kutsvaga mbatya nechikafu kune vane tsiye nyoro zvinozopihwa vanoshupika.

Pasi pemitemo, homwe yameya inobvumidzwa kunyorera makambani pamwe nembozha ichikumbira rubatsiro rwunozoshandiswa mukubatsira vanoshaya pamwe nekugadzirisa zvinhu zvinoomera kanzuru yeguta.

Chiitiko ichi chaitika panguva iyo kanzuru yeHarare iri kushorwa zvikuru nekuputsa kwairi kuita dzimba dzevagari dzisiri pamutemo.

VaManyenyeni vanoti kanzuru yavo iri kukurudzira kuti vanhu vatenge nzvimbo dzekuvakira dzimba zviri pamutemo.

Vatiwo vanenge vachida kugutsikana nenzvimbo dzavanenge vachida kutengeserwa vanofanirwa kushanyira mahofisi ekanzuru ari pedyo navo vasati vatenga nzvimbo idzi.

"Isu hatifarire kupwanya dzimba dzevanhu asi tinokurudzira veruzhinji kuti vagadzirise zvinhu zvavo panyaya yemawaniro avanoita ma stands, tinoda kuti munhu wese agare panzvimbo dzakatarwa uye dziri pamupemo kuitira kuti vasazopwanyirwa pavanogara," Va Manyenyeni vaudza Studio7.

Hurukuro NaMeya VeHarare Va Bernard Manyenyeni
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG